Osimudzira mureza weZim. . . Chiwenga akapihwa mubairo weFootball BlackList 2019 Award

Daphne Machiri

NYANZVI yechidzimai inomiririra vatambi venhabvu vazhinji vanotambira kuEurope, Ellen Chiwenga, akasimudzira mureza wenyika nguva pfupi yadarika apo akahwina mubairo weFootball Blacklist 2019 Award kuEngland.

Chiwenga — uyo ane rezinesi rekushanda achimiririra vatambi venhabvu raakapihwa nesangano reFederation International de Football Association (Fifa) — akawanikwa ariye ega mudzimai wekutanga kubva muAfrica kupiwa mubairo weFootball BlackList 2019 Award pamhemberero dzakaitirwa kuLondon nguva pfupi yadarika.

Mudzimai uyu zvakare ane marezinesi akasiyana ekushanda munhabvu anosanganisira Football Association of England License (FA), Association of Football Agents (AFA) neWoman in Football (WIF).

Mubairo weFootball Blacklist Award — uyo unokotsverwa nesangano reFootball Blacklist Organisation — unopihwa kuzvizvarwa zvemuAfrica nezvekuCaribbean Islands avo vanenge vachiita basa guru mukushandura nhabvu munyika yeEngland.

Chiwenga akapihwa mubairo weCommercial Section uyo unove muboka rekushambadza nhabvu pamwe nekuisimudzira.

Achitaura neKwayedza ari kuLondon uko anogara, Chiwenga anoti vanhukadzi vanogona kushanda mubasa rekumirira vatambi venhabvu sezvinoitwa nevanhurume vane mukurumbira vakadai saJorge Mendes naMino Raiola avo vanomirira vatambi venhabvu vakuru pasi rese vanosanganisira Cristiano Ronaldo, David de Gea, Zlatan Ibrahimovic naPaul Pogba.

Mibairo yeFootball Blacklist yakatangwa mugore ra2009 uye Chiwenga ndiye mudzimai wekutanga kubva kuSouthern Africa kuhwina mubairo uyu.

Vamwe vakambohwina mubairo uyu vanosanganisira Yaya Toure wekuCote d’Ivoire, Rio Ferdinand wekuEngland kozoti Rachey Yankey uyo aimbotambira chikwata cheEngland chemadzimai.

“Ndinonzwa kufara nekuremekedzwa kwandaita, zvichibva kune mudzimai wekutanga kuva nerezinesi zviri pamutemo reFifa mune zvemuitambo kuUnited Kindom, Rachel Anderson.

Zvinhu zvinotisimudzirawo nekutipa shungu kuti sevanhukadzi tiite mabasa ayo anonzi ndeevanhurume bedzi,” anodaro Chiwenga.

“Mubairo uyu hauna kusimudzira ini bedzi asi mureza wenyika yeZimbabwe, dunhu reAfrica, vanhukadzi pamwe nevanhukadzi vari mune zvenhabvu munyika dzakasiyana-siyana,” anodaro.

Kushanda kukuru kwaari kuita munhabvu zvakamuona achiremekedzwa kunyika dzakasiyana uye achigadzwa zvigaro zvinosanganisira kuve Global Goodwill Ambassador of Bring Hope Humanitarian Foundation (BHHF) naAmbassador weKarachi FC kunyika yePakistan.

“Shuwiro yangu ndeyekusimudzira nhabvu muAfrica, zvakare ndine chido chekuti dai ndawana mukana wekusimudzira matarenda kunyangwe kwandinobva zvakaita sekuvakwa kwenhandare dzenhabvu, kusimudzira matarenda evana muzvikoro,” anodaro Chiwenga.

Anoenderera mberi achiti, “Vechidiki vanoda kusimudzirwa, vamwe nekushaya mikana yekuratidza matarenda avo vave kuita zvekunwa nekuputa zvinodhaka.

Isu tiripo pakuvapa mikana yekusimudzira matarenda aya vararame hupenyu hunoyevedza nekuda kwekuti ndivo vatungamiri vemangwana.”

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×