Oti akabirwa mari nemukadzi wake

Courtney Munodawafa

MURUME wemuHarare anoti akagurwa kunorira nemudzimai wake uyo akamubira $1 700 ndokumutorera midziyo yose yemumba akaenda nayo.

Kateva Kateva akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akamhan’arira mudzimai wake Manyara Dhirawo achida gwaro rerunyararo.

Kateva anoti Dhirawo akashevedza hama dzake idzo dzakamugadza dare zvikazoita kuti mudzimai wake abve pamba. Mutongi Tafadzwa Miti akapa Kateva gwaro rinomuchengetedza.

“Uyu mudzimai wangu asi ari kundishungurudza. Chakandibhowa ndechekuti akandigadza dare nehama dzake vakaramba kumirira hama dzangu kuti dziuye.

“Hama dzake dzaenda, takasvika pakupopotedzana ndikabuda pamba. Tete vake vakasara takagara navo mwedzi wose variko. Akabva atanga kuregera kurara mubhedhuru,” anodaro.

Kateva anoti mudzimai wake akazosvika pakumubira mari nekubva pamba nevana vavo.

“Mukadzi uyu akasvika pakutora foni yangu akazvitumira $1 700. Ndakazongobva kubasa ndokuwana mumba musisina chii zvacho.

“Izvozvi handisi kuziva kwaari kugara. Ngaasauya kumba kwangu nekuti akatakura TV yangu akatora mapepa nemakii emba. Akauya akapwanya mahwindo akatora mazai, hupfu nepasipoti yangu, ngaaidzose,” anodaro.

Dhirawo anoti haapokane nechikumbiro chaKateva.

“Handipokane nezvaataura asi ndini ndiri kugara nevana vedu vaviri saka tinodawo chikafu. Handina kupinda mumba nepahwindo, ndakapinda nepadhoo nekuti ndaiva nemakii. Midziyo takagovana ndikatosiya mubhedha,” anodaro Dhirawo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *