Oti coronavirus yamudzvanya

Liberty Dube

MURUME wekwaMutare uyo anoita basa rekunama zvinhu zvesimbi uye ari makanika anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwakanganisa basa rake zvikuru izvo zvave kumutadzisa kuita mari yekuriritira mhuri yake.

Senzira yekuti asabhadhare mari yakawanda yemendenzi yekuchengeta vana vake, James Zimuto anoudza dare reMutare Magistrate Court kuti makombi maviri anonzi ndeake handi ake asi kuti iye anongova mushandi chete.

Anotaura mashoko aya pamberi pemutongi Lazarus Murendo apo akaendeswa kudare iri nemudzimai wake, Maurine Karinda, achida kuti awedzere mari yemendenenzi kubva pa$400 kusvika $6 000 pamwedzi.

“Ane makombi maviri anotakura vanhu mumugwagwa weMutare-Odzi. Anoita zvakare basa rekunama zvinhu zvesimbi uye ndimakanika. Basa rake riri kufamba zvakanaka zvikuru nekudaro hapana paangatadze kubhadhara mari iyi,” anodaro Karinda.

Anoenderera mberi achiti, “Handizivi zita rekambani yake, asi zita rake rakanyorwa pamarisiti emabhuku emakombi aya. Anoita mari zuva nezuva uye ange ari kushanda kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19.

“Mumwe mwana wake ari kuyunivhesiti. Kana achikwanisa kubhadharira mari mwana wake ari kuyunivhesiti, anokwanisa kubhadhara zvakare mari yandiri kuda.”

Zimuto anoti ane vamwe vana vashanu vadiki vaari kuchengeta.

“Makombi aya haazi angu. Dzimwe nguva ndinombogadzira makombi aya paanenge afa saka anobva afunga kuti ndeangu. Mambo wangu, ndine mudzimai mutsva nevana vatanhatu, vashanu vavo vachiri vadiki nekudaro vanoda kuchengetwa neni.

“Mukuru wavo ari kuyunivhesiti zvichireva kuti zvinhu zvakatondiomera. Ndiri kunetseka kubhadhara $400 pari zvino, $6 000 yaari kuda yakawanda zvikuru.

“Pamusoro pezvo, Covid-19 yakanganisa zvikuru mawaniro andinoita mari,” anodaro Zimuto.

Mutongi Murendo anoti ibasa revabereki vose kubatsirana kuchengeta vana.

Anoti Zimuto abhadhare $1 500 pamwedzi.

“Ibasa revabereki vose kuchengeta vana vavo. Munhu haafanire kushandisa mendenenzi senzira yekuda kuti vanhu vadzokerane. Mari inosvika $400 haikwane kuchengeta vana vaviri.

“Iwe (Zimuto) unofanira kushanda nesimba kuti ukwanise kuriritira vana vako sezvo vasina kukumbira kuti vazvarwe.

“Kunyangwe zvazvo Covid-19 yakonzera kukanganisika kwemabhizimusi akawanda sezvo asiri kushanda zvakazara, vana vanofanirwa kuchengetwa,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×