‘Varimi rovai basa’

Muchaneta Chimuka
VARIMI vari kukurudzirwa kuumba mapoka nekushandisa madandemutande (social media) mukuita hurukuro pakati pavo uye nemadhumeni senzira dzekusimudzira basa ravo sezvo kuungana kusiri kutenderwa pari zvino nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaIvan Craig avo vanova mudhumeni anozivikanwa vari zvakare sales and marketing director kukambani inouchika mbeu yeAgriseeds vachiti basa rekurima rinofanirwa kufambira mberi zvisinei nekuuya kwechirwere ichi.

“Tinokurudzira kushandiswa kwedandemutande mukurima nekuti nyaya dzekuungana kumisangano yevarimi kana mashoo hakuchina. Saka kana varimi vakavhura maWhatsApp group avo tinoona vachikwanisa kufundisana kurima nekutumira zvichemo zvavo kumadhumeni pasina kuparadzira chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Vanoti mitemo yakadzikwa nesangano rinoona nezveutano pari rose reWorld Health Organisation (WHO) yekuti veruzhinji vasaite chitsokotsoko nechinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19 inofanira kutevedzwa zvizere.

VaCraig vanoti zvakakoshawo kuti varimi vachengetedze upenyu uye kugona kubata mwaka kuburikidza nekutenga zvinodiwa mukurima.

“Tava muchikamu chepiri che’lockdown’ saka zvava kuda murimi akarongeka nekuti unotogona kuzoshaya nguva yacho yekutenga zvaunoda. Varimi vakangwara vanogona kuumba mapoka votumana kunotenga zvavanoda pane kuti vaende vose nehuwandu hwavo.

“Muzvitoro macho munenge muine mitsetse mirefu saka zvava kuda murimi anogona kubata nguva nekugara akanyora zvinhu zvaanoda kutenga asati apinda muchitoro,” vanodaro.

Vanoti varimi vane nguva shoma yekugadzirira minda yavo nokudaro zvakakosha kuti vafambirane nenguva, zvikuru pakushandisa michina yechizvino-zvino.

“Hongu, michina iyi inodhura asi inoderedza mitoro yebasa uye huwandu hwevanhu vanopinda muminda zvichibatsira zvekare mukurwisa kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

VaCraig vanokurudzira varimi kuti vachengetedze goho ravo pane kungoritengesa richiri nyoro muminda zvinoita kuti varasikirwe.

“Goho rinoitisa mari yakawanda kana richinge raomeswa pane kuripedza richiri nyoro muminda. Saka varimi ngatisanakirwa nemari shoma nekuti tinozowanikwa tava kutengeserwa zvinhu zvatakatengesa nemari dzepamusoro,” vanodaro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×