Oti kurambwa, oti kurohwa

Courtney Munodawafa

MURUME wekuMazowe anoti ari kuoneswa ndondo nekugara achirohwa nemudzimai wake izvo zvave kuita kuti ashaye chiremerera munharaunda.

Patrick Chimutsa akataura mashoko aya apo akamhan’arira Chiedza Make achiti ari kumushungurudza.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chimutsa gwaro redziviriro.

“Chiedza aimbova mudzimai wangu asi takarambana. Ndaona ndondo nemudzimai uyu. Anouya kumba kwangu kuPlot 10 achinditukirira nekundityisidzira. Anogara achindirova asi ndiye akandiramba. Akangobuda pamba imba ikabva yatoparara,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Mudzimai uyu anogara paPlot 1 asi anochirika dzimba pfumbamwe kuti auye kuzondishungurudza. Handichaonekwa semurume pane vamwe varume kumapuroti edu nenyaya yemaitiro emudzimai uyu. Dai dare randibetsera aregera kuuya kumba kwangu, kundirova nekundityisidzira.”

Make anoti murume wake achiri kumuda.

“Mutongi, hongu handichagare pamba asi Chimutsa murume wangu uye ndichiri kutomuda. Handina kumbobvira ndamutyisidzira iye ndiye anotoda kundipfidzisa.

“Akabuda mumba akaenda nekuti tainge tanetsana nekuti airamba kushandisa makondomu. Atori murume wangu uye ndotomuda handingakwanise kurega kuuya kumba kwedu iko kuriko kune murume wangu,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *