Oti mukadzi akanzurise mendenenzi

Ashley Muchamiri
MURUME anogara kuAshdown Park, muHarare, akamhan’arirwa nemudzimai wake kumatare achinzi ari kumushungurudza achida kuti akanzurise mendenenzi.

Mevis Karimufumbi akamhan’arira Terrence Kambuwa kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa ndondo nenyaya iyi.

“Ishe wangu, ndinokumbirawo kudzivirirwa nemi, ndinoda kuti murume uyu abve pamba patinogara nekuti handisi kuda kuramba ndichirohwa nekutukwa pamberi pevana nevanyarikani,” anodaro.

Karimufumbi anoti Kambuwa akamuramba mudare remendenenzi achiti ava nemumwe mukadzi.

“Murume uyu akandiramba pamberi pedare taenda kunoti mendenenzi ikwidzwe achiti aisakwanisa kubhadhara uye aida kuti ndikanzurise mendenzi iyi achiti ane mumwe mukadzi anoda kuchengetwa asi kuri kunyepa,” anodaro.

Achipawo divi rake, Kambuwa anoti haana kumbobvira aramba Karimufumbi asi akamuudza kuti ava nemumwe mudzimai anogara kwaMurehwa uko anoenda kaviri pamwedzi.

“Mukadzi uyu handina kumbomuramba asi ndakangomuti ndava nemumwe mukadzi anogara kwaMurehwa uko kwandinongoenda kaviri bedzi pamwedzi,” anodaro.

Kambuwa anoti Karimufumbi anonyepa kuti anomutukira nyaya yemari yemendenenzi.

“Manyepo anotaurwa nemukadzi uyu, ndakatomukumbira kuti abvise mendenenzi kuti tikwanise kuwana mukana wekupihwa dzimba dzaida kupihwa kubasa kuiitira kuti mari ikwane,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Karimufumbi gwaro redziviriro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×