Otsvaga rubatsiro rwekuvaka imba

MUKADZI wekuDomboshava uyo anorarama nehupofu, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti avakirwe imba yake zvichitevera kuyamurwa kwaakaitwa neHurumende kuburukidza nekupihwa sitendi pachena.Muzvare Shelter Jasi (50) vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwemari kana zvekuvakisa kuti vakwanisewo kuvaka imba yavo kuAdelait Park, pedyo nekuRuwa.

“Pane chirongwa chakamboitwa neHurumende chekubatsira vanhu vakaremara kuti vawaniswe mukana wekuwana dzimba, ini ndakaitawo rombo rakanaka ipapo. Pasi pechirongwa ichi, takapihwa pekuvaka tikanzi mozobhadhara zvishoma nezvishoma kusvikira tapedza asi takapihwa mukana wekufanovaka,” vanodaro.

Muzvare Jasi vanotenda Hurumende nekuwaniswa sitendi kwavakaita.

“Ndinotenda chaizvo Hurumende nekuti zvakandibatsira. Ini yangu sitendi yakabudira kuAdelait Park, pedyo nekuRuwa. Kambani yandinoshandira muHarare yakazondibatsirawo nekundipa mari yekuti ndipote ndichibhadhara zvishoma nezvishoma kusvika mari yangu yakwana vachibata zvishomawo pane yandinohora.

“Pandakawana sitendi apa pava kufanira kuchitanga kuvakwa saka dambudziko ravapo ndere mari yekuvakisa pamwe chete nezvekuvakisa zvacho.”

Vanoti pari zvino vari kugara kuDomboshava uye vane munhu anovaperekedza zuva nezuva pavanenge vachienda kubasa izvo zviri kuvadhurira.

Muzvare Jasi vanoti havasati varoorwa nekudaro havana mumwe anokwanisa kubatsirana navo kuti vavake imba yavo.

Vanoda kubatsira Muzvare Jasi vanogona kuvabata panhamba dzinoti 0775 103 791.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *