Ovhimwa nemapurisa

ISAAC PHOTO 1MAPURISA ari kutsvaga Isaac Madziva (28), uyo aishanda pachitoro cheNyika Complex, kuBindura, uyo wavanoda nenyaya yekushaikwa kwemari inodarika US$50 000.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Memory Pamire, vanoti Madziva anobva mubhuku raMakwikwi, kwaShe Dandawa, kuHurungwe uye nhamba dzake dzechitupa ndedzinoti 37 – 091083 T38.

Madziva akapedzisira kuonekwa achigara panhamba 2738 Chinyerere Street, Aerodrome, muBindura.

Kune vanoziva kuna Madziva vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa eCID kuBindura panhamba dzinoti 0271  6515 kana kutaura naDetective Assistant Inspector Mugumbate pa0776 660 945 kana kuzivisa mapurisa ari pedyo navo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×