Ozvuzvurudzwa namadhamu pabasa

Tatenda Shuro

MUMWE murume akachema-chema pamberi pedare achiti aimbove mudzimai wake ane katsika kekumushungurudza uye rimwe zuva akambouya kubasa kwake akamuzvuzvurudza akamudzvanya chikabudura ndokusiya amubvarurira juzi rake.

Leeward Chakubva akamhan’arira Annalyn Gangayi kuHarare Civil Court.

“Mambo wangu, uyu aimbove mudzimai wangu uye tine vana vaviri tose. Zvino ane tsika yekuuya kubasa kwangu achindishaisa rugare.

“Musi wa1 Chikumi akauya akandizvuzvurudza akandibata chikadabura changu akabvarura juzi rangu ndokundiudza kuti handisi kuzogara murugare nemukadzi wangu wandava naye,” anodaro Chakubva.

Anoenderera mberi achiti, “Amai ava vane kahunhu kasingaite zvachose kekuti vakangondiona pavanhu bedzi, vanondishungurudza vachitaura zvakaipa pamusoro pangu.”

Achipawo diki rake, Gangayi anoti Chakubva ndiye anotomushungurudza.

“Ndinopokana nechikumbiro chake nokuti handina kumudhonza pandakaenda kubasa kwake, asi kuti ndiye akatondirova ndikanomhan’ara kumapurisa uye akaputsa runhare rwangu,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chakubva gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *