Pacquiao orongera Mayweather

MURAIRIDZI waManny Pacquiao, Freddie Roach, anoti anofunga kuti muFilipino uyu anorova Floyd Mayweather hunge akapihwa mumwe mukana wekurwa neshasha yekuAmerica iyi iyo isati yambokundwa.

Pacquiao akakundwa pazvibodzwa naMayweather apo vatambi vaviri ava pavakarwa muna Chivabvu mumutambo we‘Fight of the century”. Asi Roach anoti Pacquiao aifanirwa kunge akahwina mutambo uyu kudai kusiri kunzi ange asina kukuvara ruwoko rwake. Anoti anogona kuhwina iye zvino kana akapihwa mumwe mukana wekusangana naye.

Asi nyaya inogona kukanganisa kuti izvi zviitike ndeye kuti Mayweather, uyo ane mabhande eWBC neWBA welterweight, anoti achasiya kurwa tsiva apo paacharwa naAndre Berto kuLas Vegas muna Gunyana.

Chamangwiza weMayweather Promotions, Leonard Ellerbe, anoti mutambi uyu uyo ane makore 38 okuberekwa achasiya zvetsiva musi wa12 Gunyana. Asi kana Mayweather akakwanisa kuhwina mutambo uyu, uyo waari kutarisirwa kuhwina, achabva anyora nhorowondo sezvo anenge ahwina mitambo 49 asati ambokundwa.

Roach anotarisirawo kuti mutambi uyu acharamba achirwa kusvikira arwa kechi50.

Pacquiao anotarisirwa kudzoka munhandare gore rinotevera zvichitevera kupora kwaakaita ruwoko rwake uye anoda zvakare kurwa naMayweather.

Roach akaudza Boxing News kuti, “Handizive kuti Mayweather ari kuenda kupi mumutambo uyu. Handifunge kuti achamira pamitambo 49, ndinofunga kuti acharwa kechi50. Ndinofunga kuti achazvipuromota ega, kana akazviita anoita mari imwe yakawanda.

“Manny anorwa zvakanaka kana vakasangana kechipiri, kana ruwoko rwake rwakaita zviri nani. Tairwa zvakanaka asati avhiringika ari munhandare ndokubva zvinhu zvatiomera. Ndinofunga kuti tinomukunda 100%.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×