Pacquiao: Tsiva iri muropa rake

MANNY Pacquiao acharwa naJessie Vargas uyo anove shasha yeAmerican WBO Welterweight Champion apo paachadzoka munhandare yetsiva musi wa5 Mbudzi, sekutaura kwamaneja wake Michael Koncz.

“Kusiya tsiva hakusi kuitira Manny parizvino,” akadaro Koncz.

“Tsiva iri muropa rake. Kana achiita gadziriro dzake, unotoona musiyano paari. Wega unotoshamisika uchiona zvaanenge achiita, anenge achifara. Zvinofadza kuona kuti gadziriro nekukwikwidza mutsiva kunomushandura muhupenyu hwake.”

Pacquiao akange ataura kuti ave kusiya tsiva mushure mekunge akunda Timothy Bradley muna Kubvumbi uye ndokuzovhoterwa kupinda mudare reSenate kuPhilippines muna Chivabvu. Puromota wake, Bob Arum, akataura mwedzi wadarika kuti shasha iyi icharwa zvakare muna Mbudzi.

Arum svondo rapera aitarisirwa kuenda kuPhilippines kunoita musangano wekuronga zvemutambo waPacquiao.

Koncz, uyo achange arimo mumusangano uyu, akati havasi kukurukura zvekutsvaga mutambi wekusangana naye asi kuti kuronga kuti mutambo uyu wozoitirwa kuLos Angeles here kana kuti kuDubai.

“Ndicho chinangwa chemusangano uyu,” Koncz akawedzera. “Kwete kusarudza mutambi wekusangana naye. Izvo zvakarongwa kare.”

Pacquiao akakunda Bradley mumutambo wake wekutanga mugore rose zvichitevera kukundwa kwaainge aitwa naFloyd Mayweather. Akange ati ave kusiya tsiva kuti apinde mune zvematongerwe enyika pamwe nekumbopedza nguva nemhuri yake. — Daily Mail Boxing.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *