Softball yokwikwidzwa kumaOlympics

SANGANO reZimbabwe Softball Association rakatambira nemawoko maviri danho rakatorwa neInternational Olympic Committee rekuwedzera mutambo wesoftball pane mimwe ichazokwikwidzwa kuTokyo Games 2020.

Svondo radarika, sangano reIOC rakapasisa kuti mitambo mitanhatu inoti baseball, softball, karate, skateboarding, sports climbing nesurfing izokwikwidzwa kumaOlympics mugore ra2020 apo pachaitwa mitambo iyi kuTokyo kuJapan.

Mimwe yemitambo iyi inosanganisira baseball, softball, karate nesports climbing yaimbokwikwidzwa kare kumaOlympics ndokuzomiswa makore adarika.

Zvakadaro, pamusangano wakaitwa neIOC kuRio de Janeiro kuBrazil svondo radarika pakabvumiranwa kuti mitambo iyi idzoswe pamwe nekuwedzera mimwe mitsva.

Achitaura neKwayedza svondo rino, mutungamiri weZimbabwe Softball Association, Stonard Mapfumo, anoti sangano ravo rine mufaro mukuru nekuwaniswa mukana wekutumira chikwata chavo kunokwikwidza kumitambo iyi.

Anoti danho rakatorwa neIOC richasimudzira vatambi vakawanda avo vanoshuvira kukwikwidza kumitambo iyi.

“Tine mufaro mukuru Softball yadzorwa kumaOlympics, izvo zvinove zvinosimudzira mutambo uyu muno.

“Dando iri richasimudzira vatambi vakawanda veSoftball avo vaishuvira mukana wakadai wekukwikwidza kumaOlympics. Isu muno tange tichishanda zvakasimba takamirira kushevedzwa kumaOlympics saka zvatapihwa mukana uyu tave kutowedzera giya nekuti 2020 tichange tiriki kuTokyo.

“Tanzwa nekufonerwa nevatambi pamwe nevarairidzi vakawanda vachitiudza kufara kwavo nekuda kwedanho iri zvinoreva izvo kuti isu sevatungamiri wemutambo uyu tine basa guru rekuona kuti chikwata chedu chaenda kuTokyo mugore ra2020,” anodaro Mapfumo.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *