Pakarepo…Muporofita tasa arohwa nechidhoma

Mersious Andrew
Mersious Andrew

PANE muporofita akafa pakarepo apo akaedza kubvisa zvidhoma kana kuti zvikwambo muimwe imba inonzi ine makore anodarika maviri isina kumbobvira yavhurwa gonhi kuLalapanzi, kuMidlands.

Izvi zvakaitika nguva pfupi yadarika paimba iri murukisheni rweMatombo, iyo inonzi haivhurwe kwemakore.

Muporofita uyu ainge akatorwa achinzi achenure imba yepanhamba 77 Matombo uye muridzi wemba iyi, Mbuya Ennett Nzero, vakashaya makore maviri apfuura.

Muporofita uyu anonzi akange ashevedzwa nehanzvadzi yaMbuya Nzero iyo yakangozivikanwa nekuti Sekuru Mangena uye nyakuzofa uyu ainge abviwa naye kuHarare kuti anoshanda basa rekubvisa “zvinhu” zvinonzi zviri mumba iyi.

Imba iyi ine dzimba kana kuti mipanda mitatu, mumwe wacho usingashandiswe uye unogara wakavharwa gonhi kwemakore ose adarika. Imomu munonzi mune bhegi risingavhurwe iro rine zvikwambo zvakasiiwa naMbuya Nzero.

Pamba apa panonzi panoonekwa zvinhu zvinenge vanhu zvichifamba-famba husiku asi zvisingataure nevamwe vanhu.

Mumba isingavhurwe umu munonzi munonzwikwa muchigwedebudzwa zvinhu asi musiwo uchigara wakakiiwa uyewo zvinhu zvinenge vanhu zvinopindamo nepadhoo rakavharwa, pamwe nepamusoro zvisinei kuti panenge pakapfigwa.

Mersious Andrew (30), uyo ari kugara pamba apa nemudzimai wake Memory Paso (26) nemwana wavo mumwe chete, anotsanangudza nyaya yakazosvika pakuti muporofita uyu afire pabasa rake.

“Sekuru Mangena vakauya nemuporofita uyo aida kuvhura dhoo iri. Akarohwa achangoedza kubata dhoo achibva atanga kubuda ropa mukanwa nemumhuno. Akazobva ave kuda kuenda kuHarare ndokufira mumugwagwa akazotakurwa nehama dzake chava chitunha,” anodaro Andrew.

Anoti Mbuya Nzero vakashaika mugore ra2014, mbatya dzavo dzikaiswa muimba isingapindwe iyi, kusanganisira nedzakanga dzasiiwawo nemurume wavo uyo anonzi aiva n’anga.

“Kungogarira nhamo pamba pano nekuti tinoona masaramusi chaiwo. Ini handina hukama nevaridzi vemba, mudzimai wangu ndiye muzukuru wepo saka ndizvo zvakaita kuti tigare pano.

“Imwe nyaya inonetsa ndeyekuti kwangu kwaChikuku, kuBikita, hakuna rugare. Kunoroiwa zvakasimba zvekuti ndingadai ndakabva pano kare.”

Andrew anoti Mbuya Nzero havana mwana mupenyu sezvo vose vana vavakaita vakashaika.

“Muimba isingavhurwe iyi mune mabhegi aMbuya Nzero neemurume wavo aiva n’anga uye neemuramu wangu, munin’ina wemukadzi wangu,” anodaro.

Dzimwe mbatya dziri mumba umu dzinonzi ndedzaJosphine Ngena, uyo anonziwo akafa asina kurwara.

Imba isingavhurwe iyi inonzi pakawana anogogodza mune mazwi anodavira asi hapana munhu anozobuda kana kuti anenge agogodza wacho anoguma orohwa nezvaasingaone.

“Vanhu vanodavirwa nemunhu wavasingaone votomirira kuti abude. Vanozongobva vashaya anobuda uyewo munogwedebudzwa midziyo, kutinhira kwemadziro emba nekupotserwa matombo. Isu tinomborohwa nezvinhu zvatisingaone.”

Andrew anoti muporofita wekuzofa pamba apa akanga aunzwa naSekuru Mangena avo vanogara kuMwenezi achiti ndiye anozvigona.

“Sekuru vakauya nemuporofita uyu iye ndokutanga kuvhura dhoo kuti abvise zvikwambo zvaaiti zvirimo. Akatungwa nechikwambo chenyanga ndokupunzika vanhu vose vakatarisa.

“Akazoda kudzokera kuHarare ndokufira mumugwagwa. Pano hapasi pekutamba, munobva muchibereka tsoka mukaita zvekutamba,” Andrew akaudza vatori venhau.

Anoti musi waitika izvi, Sekuru Mangena vakatangawo kurwara ndokurara husiku hwese vachichema vachiti vairohwa nezvavaisaona.

Vanonzi vakazoponera kuimwe n’anga asi muporofita uyu, uyo waasina kuziva zita rake, ainge atofa kare.

Andrew anoti mudzimai wake anobatwa nemweya waMbuya Nzero izvo zvinoita kuti agare achirwara.

Anotizve kune n’anga nemaporofita vakawanda vakashevedzwa kuti vazogadzirisa dambudziko iri vakatadza kusvika pamusha apa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, kusanganisira tsaona.

Pakasvika Kwayedza pamba apa Andrew akapa yambiro huru kuvatori venhau kuti kana vachida upenyu hwavo vasamboedzesera kusvika pedyo nemba isingavhurwe gonhi iyi. Akati vaigona kutogumisira vorohwa nematombo avasingaone kuti aipotserwa nani kana kurohwa nembama nezvibhakera zvavaisaona kwazvaibva.

“Svikai zvenyu (kureva vatori venhau), asi ini handidi kusiirwa ngozi pano, ndiri mutorwa,” akadaro.

Mashoko aya akaita kuti vatori venhau vadududze apo iye airatidza kutya kukuru. Vagari vemunharaunda vanonzi vanototya kusvika pamba apa nekuda kwezviitiko izvi.

“Munhu chete ari kunzi anogona kuvhura gonhi iri nekubvisa mbatya dzirimo ndiSekuru Mangena. Zvino vave kutyawo nekuti vakarohwa pavakauya nemuporofita akazofa.

“Vanatsano vanogara kuBulawayo vakanzi havana ukama naMbuya Nzero inova nyaya yave kunetsa,” anodaro Andrew.

Andrew ari kukumbira rubatsiro kune vanogona kupedza dambudziko iri. “Chikumbiro chedu kuti tiwane anotibatsira panyaya iyi, angava mapositori kana n’anga, nekuti vekuno vakundikana uye vanotya nekufa kwakaita muporofita akambouya pano.”

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti mhuri iyi inofanirwa kuenda kumagodobori en’anga.

“Ngavarege kumirira vamwe vari kutya, ivo vari kugarapo ngavatsvage anovabatsira kuti zvinhu izvi zvibviswe. Izvi zvikwambo chaizvo, ndizvo zvinonzwikwa zvichitaura nekugwedebudza,” vanodaro VaKandiyero.

Vanoti dzimwe nguva panoda kutanga paripwa zvavakafananidza nengozi ndokukurudzira mhuri yaMbuya Nzero kuti itore matanho ekugadzirisa dambudziko iri nekukasika.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×