TATENDA Mukuruva — mubati wepagedhi wechikwata chenhabvu chenyika, cheZimbabwe Warriors — anoti haasi kuzosiya juzi kana kuti jezi rechikwata ichi nyore.
Izvi zvinotevera matambiro aakaita anonwisa mvura apo Zimbabwe yakarakasha Swaziland 4-0 neMuvhuro svondo rino mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi eAfcon 2017 kuGabon. Muchinda uyu ainge ambotambazve zvinodakadza pakasangana zvikwata izvi kuMbambane, Swaziland, nemusi weChishanu svondo rapera apo mutambo wakapera uri mangange 1-1.
Mukuruva, uyo ane makore 20 ekuberekwa, akasarudzwa nemurairidzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa kutamba mitambo miviri iyi apo Washington Arubi, uyo anogarobatira chikwata chenyika, akagariswa padivi.
Mumitambo miviri iyi, Mukuruva akatamba zvinonwisa mvura uye maWarriors akangonwisa kamwe chete mumutambo wekutanga wakatambirwa kuSwaziland.
Kozoti mumutambo wechipiri wakatambirwa kunhandare yeNational Sports Stadium apo maWarriors akadashura Swaziland 4-nya, Mukuruva aibata sekatsi ndokubatsira chikwata chake kukunda pamutambo uyu.
Mumutambo wakatambirwa kuNSS, vatambi vanoti Knowledge Musona, Costa Nhamoinesu, Evans Rusike naKhama Billiat ndivo vakanwisa zvibodzwa zveZimbabwe.
Kukunda kwakaita chikwata ichi kwakabva kwasiya Zimbabwe yagara panhongonya pezvikwata zviri muGroup L iine zvibodzwa zvisere kubva mumitambo mina.
Muhurukuro naMukuruva svondo rino, anoti ari mudenga rechinonwe nekupihwa kwaakaita mukana uyu nemurairidzi wake, Pasuwa, uye achashanda nesimba kuti arambe achibatira chikwata chenyika.
“Handina kana neremuromo, chiremerera chikuru icho ndakapihwa nemurairidzi wangu kubatira nyika. Ndicharamba ndichishanda nesimba kuti ndirambe ndichitambira maWarriors.
“Juzi handichabvisa, rave rangu. Handizive hangu kuti mune ramangwana murairidzi wechikwata anofungei asi ini ndoda kuramba ndiri panyanga.
“Washington Arubi ndimukoma wangu, anondidzidzisa zvakawanda uye tose tinoda kuti chikwata chibudirire tiende kuAfcon kunyangwe ndiri ini kana iye asarudzwa kupinda muchikwata,” anodaro Mukuruva.
Vatsigiri venhabvu vazhinji vave nechivimbo chikuru chekuti maWarriors ave pedyo kubudirira kuenda kunokwikwidza kuAfcon zvichitevera kukunda kwaakaita Swaziland.
Asi Mkuruva anoti havasati vave netikiti rekuenda kuGabon gore rinotevera sezvo vanofanirwa kutanga vapedzisa basa mumitambo miviri yasara neMalawi neGuinea.
“Mitambo yasara ndiyo yakaoma zvikuru, Malawi neGuinea pane basa. Tikaona taihwina yose tobva taziva kuti tikiti tave naro uye tototanga kubhadhara ndege yekuenda kuGabon.
“Ngatimire kupemberera nguva isati yasvika,” anodaro Mukuruva.
Mukuruva, uyo anotambira Dynamos muCastle Lager Premier Soccer League, anoti mwaka uno chikwata chake chichange chiine hukasha chichida kudzora mukombe wachaive nawo uyo wakazotorwa neChicken Inn mwaka wadarika.
Anotizve gadziriro kuchikwata chake dziri kufamba mugwara chairo.
“Zvakatirwadza mwaka wadarika mukombe ukaenda neChicken Inn asi zvakatodarika. Tatarisira mwaka mutsva uyo ticharwa semvumba kuti tidzore mukombe wedu.
“Zvichange zvakaoma asi tichamira-mira,” anodaro Mukuruva.




