PANE NYAYA: MAFERO . . .uku ndiri kumaWarriors, Chicken Inn

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weChicken Inn nechikwata chenyika chemaWarriors Joey “Mafero” Antipas anoti mabasa maviri aya ari kumupedza simba, asi acharamba achishingirira kuti agobudirira maari ose.

Mafero anoti anoda kutora mukombe weCastle Premiership kechipiri munhorowondo yeGamecocks – sezita remadunhurirwa reChicken Inn.

Muchinda uyu akambofanogadzwa kuve murairidzi wemaWarriors nesangano reZifa apo kondirakiti yake ichapera musi wa31 Zvita.

“Zvinhu zvakaoma kuita mabasa maviri, kurairidza Chicken Inn muligi kozoti maWarriors chikwata chenyika. Zvakaoma asi unofanirwa kushanduka nekuchimbidza paunenge wave kuenda kune rimwe basa.

“Zviri kundipedza simba rakawanda asi ndinoramba ndichishanda nesimba nekuti ndiri kuda chaizvo kubudirira mumabasa maviri ese aya,” anodaro Mafero.

Parizvino Chicken Inn iri pechipiri palog ichitevera CAPS United.

Nerimwewo divi, Mafero mumasvondo anotevera achange achitungamira maWarriors apo achatanga kurwira tikiti rekuenda kumakwishu e2021 Africa Cup of Nations (Afcon) ayo achazoitirwa kuCameroon.

Sezvo kondirakiti yake ichapera musi wa31 Zvita, Mafero anoti haasati aziva kuti acharamba ari panyanga here.

“Parizvino ndichiri kumboshanda, tichagara pasi tozokurukura toona kuti zvichafambiswa sei,” anodaro Mafero

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *