‘Chengetai mapere nenyoka’

Kingstone Mapupu
BAZI reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority rinoti rakatanga kupa marezinesi kune vanhu vanoda kuita bhizimusi rekuchengeta mhuka dzinosanganisira mapere nenyoka.

Anotaura akamirira bazi iri, VaTinashe Farawo, vanoti vagara vachipa marezinesi ekuchengeta dzimwe mhuka dzesango.
“Isu sebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, tagara tichipa marezinesi ekuti vanhu vachengete mhuka dzavanoda uye dzinopindirana nenzvimbo dzavagere.

“Kuchengeta mapere, makava, nyoka kana zvidembo nedzimwe mhuka dzesango hausi huroyi sekufunga kwatinoita. Isu tiri kuti huyai tikupei matsamba atinoti marezinesi ekuchengeta mhuka idzi muite mari nemapere enyu. Kune vakawanda vekune dzimwe nyika vari kuita mari nemapere ayo atinongoti nangananga nawo tichiti ndeevaroyi,” vanodaro VaFarawo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munhu akauya kwatiri tikawirirana, tinomupa rezinesi rake rekupfuya mhuka dzaanoda angava mapere kana nyoka. Tinoongorora nzvimbo yaanogara nezvinodiwa kugadziriswa nematanga anodiwa kana makeji nekudya kunofanirwa kupihwa mhuka idzi.”

VaFarawo vanoti bhizimisi rekuchengeta mhuka rinosimudzirawo chikamu chezvekushanyirwa kwenyika apo vashanyi vanobva kunze vanenge vachibhadhara mari kuti vaone mhuka idzi.

“Mukachengeta nyoka dzenyu kana iwo mapere, zvidembo, makarwe, shiri semadendera nezvimwe, vashanyi vanouya muno. Muzvidembo tine zvinodiwa izvo zvinogadziriswa zvinhu zvakasiyana, munyoka tinoda huturu hwadzo hunogadziriswa mishonga yakasiyana inorapa, mumakarwe mune zvinodiwawo uye imo mumapere mune zvakasiyana zvinofarirwawo. Saka ngatiitei mari nemhuka dzedu kwete kuti ndezvevaroyi,” vanodaro

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *