Pane nyaya: N’anga

Nyasha Mutena
VAKAFANOBATA chigaro chemukuru wesangano redzin’anga, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vanoti vabereki vemwana wekufuma akafa, chiso chake chakamomoterwa nemasvosve, vanofanirwa kuenda kugata kuti vagoziva “chakamudya”.

“Vanhu vazhinji vari kuvhiringidzwa nekutora tsika dzekumadokero vokanganwa zvechivanhu, tiri vanhu vatema uye vanonzi varoyi variko. Hazvisi zvejee, vabereki vemwana ngavafambe vagadzirise mweya wemwana wavo aende murugare pamwe nekuudzwa chakadya mwana uyu.

“Chirwere cheMenengitis kashoma kuti chingouraya munhu asina kurwara. Mweya wemwana uyu unoda kutogadzirwa dzimwe nguva akaenda achigunun’una,” vakadaro VaKandiyero.

Mutungamiri werimwezve sangano redzin’anga nemaporofita, Zimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu, vanoti rufu rwaTakunda rwunogona kunge rwusina kukonzerwa nemabasa ehuroyi sezvakabuda muongororo yakaitwa nanachiremba kuchipatara.

“Nyaya iyi inorwadza zvikuru asi vabereki vemwana vanofanira kuziva kuti hadzisi ndufu dzose dzinokonzerwa nekuroyiwa kana mabasa echivanhu. Zvakabuda kupost mortem ndizvo zviripo. Masvosve anonzwa hwema hwechinhu chakafa ari kure nokudaro anogona kunge aiva anzwa hwema hwemutumbi wemwana Takunda.

“Izvozvi tinoziva kuti hakushaiwe anenge atonangwa huroyi, asika zivai kuti zvimwe zvirwere hazvikonzerwe nemabasa ehuroyi,” vakadaro VaChisanyu.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×