HUPENYU hunenge pakiti remaputi. Unogona kusangana neasina kuputika kana nechiguri chaicho. Chinhu chatakajaira kuti kana pakaita dambudziko tinogunun’una, tinodemba, tigodunura dzimwe nguva nekutuka nezvinyadzi chaizvo. Kana tikange tarasiswa kana kurasikirwa, kana tarisiro yedu pamusoro pechimwe chinhu ikasabuda sezvatanga tichifunga, vamwe tinobva tanofuga magumbeze. Tinenge tisisade kudya, kana kutaudzwa. Tinofunga kuti zvatiinazvo hazvifanire kutorwa, kubvutwa, kubiwa kana kurasika nekuti ndezvedu. Tinofunga kuti kana tichinge takashanda nesimba, tinofanira kutambarara setsangadzi tichidya zvedikita redu pasina kana nhunzi zvayo inomhara pedyo nesu. Tinofunga kuti zvinonzi ndezvedu, zvinofanira kuramba zviinesu zvachose nekusingaperi.
Unogona kunge wakarasiswa muna2014. Unogona kunge wakabirwa zviri pachena kana kurasikirwa nebasa kana nemunhu wawaida kwazvo. Asika, tinorarama hupenyu hwedu tiri pasi pesimba raMwari uyo ane ziso risingabwaire paanenge achitifudza.
Asi tinotaura zvipi kwaari Mwari nepfungwa dzedu, nemwoyo yedu kana nemiromo yedu kana zvinhu zvedu zvikasafamba zvakanaka? Zviri nyore kuti titsamwire Mwari tichikanganwa kuti ndiye Mwari anotitarisa nekutichengeta nguva dzese.
Tinogona kumutsamwira nekumupopotera nekuda kwezvatiwira kana nekuda kwezvisiri kutifambira muhupenyu hwedu. Tinogona kuita sekuti Mwari haazive zviri kuitika kwatiri. Asi tikanyatsozvitarisa, Mwari haana kumbotendera kuti titambudzike nenzira inonyatsoenderana nekumutadzira kwatakaita kana kwatichiri kuita.
Nyangwe munhu akati muSatanist kana muroyi, kumurova kwedu hakupedze dambudziko nekuti chiSatanist nehuroyi mweya. Saka kana mukamurova, muri kurova nyama yake kwete mweya wake.
Tinofanirwa kusiya Mwari kuti vaite basa ravo saMwari. Kana tikanzwisisa simba raMwari, tinopera simba nekuti simba raMwari haritadze kuita chinhu chipi chavanoda kuita. Muhupenyu huno kana tikaregera simba raMwari kuti rishande sezvarinofanira kuita, vamwe vanozviona sekukundikana.
Asi kuregera simba raMwari richionekwa isu patinenge tapera simba ndiko kuve nesimba rechokwadi chaiko.
Mbavha, mhondi, varoyi, n’anga, pfambi nemaSatanists vese vakasikwa naMwari uye vanodiwa naMwari. Huroyi nehuSatanist hazvikunde Mwari, uye Mwari vanozviziva kuti zviri kuitika. Uchiri kurangarira here Jesu achiyambuka gungwa reGaririya kuine dutu remhepo? Kwaive nemhepo yakasimba kwazvo, nemvura yaisimuka ichienda mudenga kunge chamupupuri chenguva yechirimo. Vadzidzi vakanga vachitya kunge hana dzichauya mukanwa, asi Jesu akanga akatorara. Pavakamumutsa, Jesu akati kumhepo negungwa, “Dzikama, ugadzikane.”
Kana tikave nekuziva simba raMwari, kutya kana ruvengo kana hasha zvinotibata zvinopera. Kana tikanzwisisa hukuru nesimba raMwari, zvinotibatsira kuziva kuti hupenyu hwedu huri mumaoko aMwari. Ndiye muridzi wemiviri nemweya yedu, uye anotiona nguva dzese pese patinenge tiri.
Saka, nyangwe zvinhu zvikamira nenzira ipi muhupenyu hwedu, Mwari vanotichengeta. Kana huri hurombo, kurwara kana matambudziko emumhuri, ziva kuti Mwari havatisiye tichitsitsirirwa nazvo kudarika zvatinofanira kutakura.
MuSatanist haarohwe, asi anomhan’arirwa kuna Mwari. Jesu akafira kusunungura vakabatwa naSatani.
Vamwe amai vakaudza mufundisi wavo vanhu vakanga vachitaura zvakaipa pamusoro pavo nemhuri yavo. Vakabvunza mufundisi kuti pane munhu wavanozivawo here akanga ambonyadziswa nekurwadziswa sezvavakanga vachiitwa. Mufundisi vakati, “Hongu, zvakamboitika kuna Jesu. Vadzidzi vake vakamuramba, hama dzake dzechiJudha dzikamuuraisa. Haana kupopota kana kurwa, asi asati afa akavaregerera vese.”




