‘Zvangu zvikwambo zvinodhura’. . . unomupa mota, mombe kana musvo

Kingstone Mapupu
ZVIDHOMA kana kuti zvikwambo zvinonzi zvine mutengo uri pamusoro chaizvo uyo unogona kutangira pa$250 kusvika $1 000 zvichisiyana nebasa razvinenge zvichida kuzoshandiswa. Vamwe vanozvida vanotobhadhara nepfuma yakaita semombe kana motokari. Sekuru Timanimoto Boroma Zefa (103) vekuFombe, kuNyanga, avo vanomboshandira kuChitungwiza vachiita basa rekupa vanoda zvidhoma nezvikwambo, vanoti zvinhu zvemishonga izvi vanozvidhurisa nekuda kwemabasa azvinoshandiswa.

“Zvidhoma kune zvidiki nezvikuru nezvimwe zvinenge zvakagadzirwa nemishonga yakasimba, zvine simba guru uye zvinoita basa sebasa. Zvikatumwa kunouraya, nguva iyoyo munhu anoti tasa. “Koitawo zvidiki, zvimwe chete nezvikwambo. Saka mari yacho inotangirawo paUS$250 ichikwira kusvika kuUS$1 000,” vanodaro.

Sekuru Timanimoto vanoti vamwe vanovabhadhara zvidhoma zvavo nezvimwe zvakasiyana semotokari. “Zvikwambo kana zvidhoma nemadumwa zvine misiyano, kune zvakangomirira kuuraya nekunorwisa semasoja, zvekutsvagisa mari nezvekuchengeta misha kuti isadheererwe.

“Zvinodhura ndezvekutsvagisa mari nezvekuuraya, zvekuchengeta misha izvo zvakati chipei zvishoma,” vanodaro. Vanoti zvinhu zvose izvi zvinogadzirwa nemishonga inosanganiswa nevhu rekumakuva. “Chidhoma mishonga inosanganiswa yemuno neyekunze, mukati macho munoiswa ivhu rekumakuva kotorwa mimvuri yevanhu vapenyu nevakafa yopiswa mukati nemakomarara. Ichi chinoita semunhu chichitotaura,” vanodaro.

Chikwambo vanoti inyanga kana chidende chinoiswa mishonga yakasiyana yosanganisawo nevhu rekumakuva nemweya yevafi. “Kune chikwambo chemhuka, chemudende, nechesandawana, kanove kamhuka kadiki kanofamba kachidonhedza ropa. Zvimwe chetewo nedumwa rinopinda muchikamu chezvikwambo,” vanodaro Sekuru Timanimoto.

“Kune vanhu vanokanganisa mhiko dzezvikwambo izvi kana mimwe mishonga vanozodzoka vamwe vave kupenga kana kuti zvave kuvatambudza. Mhiko ukadzikanganisa zvinokunetsa. Wadzoka, tinokuchaja pahombe pawainge wabvisa mombe unozobvisa dzave mbiri,” vanodaro. Mashoko avo anotsinhirwa naVaJonathan Shonhiwa kana kuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi vachiti mitengo yezvidhoma nezvikwambo yakasiyana.

“Kune n’anga zhinji dzave kupa zvikwambo nezvidhoma. Tinonzwa kuti zvinosiyana mitengo yacho asi vanonyanya kutengesa vanobva kuSouth Africa, Zambia, Malawi, Mozambique nekuDemocratic Republic of Congo. Muno munyika varimo vanozvitengesa, zvisinei kuti mutemo wedu haubvumire,” vanodaro.

Mukuru wesangano revanoita zvechivanhu, n’anga zvose nemaporofita, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti bumbiro remutemo wavo haribvumidze kutengeswa kwezvidhoma nezvikwambo kana kuita zvimwe zvinokuvadza vanhu.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *