Panganai mazano: Seed Co

CHAMANGWIZA wekambani huru pakuuchika mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanoti zvakakosha kuti varimi vaumbe mapoka avanopangana mazano pamusoro pemarimirwo akanaka embesa dzakasiyana vachibatsirwa nevarimisi vavo.

Vachitaura nevarimi nguva pfupi yadarika kumuzinda unouchikwa mbeu weRattray Arnold Research Station, VaZaranyika vanoti varimi vanofanira kudzokera pane zvaiitwa kare zvemibatanidzwa yekuti vange vachipana mazano ekurima.

“Kare kune ainzi ma10 club members zvinova zvikwata zvevarimi zvekuti vaisangana vachipangana mazano maererano nezvekurima vachipana ruzivo. Idzi ndidzo dzimwe nzira dzaishandiswa kare apo nyika yedu yaikwanisa kutengesera chibage nezvimwe zvirimwa kune dzimwe nyika.

“Kuita kwevarimi vemazuva acho iwayo ndiko kwatinofanira kungoita nanhasi kuti tidzokere pakuva nemukurumbira wekurima wataingova nawo,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoti varimi vanofanira kukoshesa kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze vorima zvinoenderana nekusanduka kwemwaka yacho vachibatsirwa nemadhomeni.

“Chakanakira munyika muno varimisi vazere uye kambani yeduwo zvakare yagara ine varimisi vakamirira kubatsira varimi kuti vanorima sei mbeu.

“Varimi ngavatore mukana wekubatsirwa nevarimisi ava vasati varima mbesa dzavo kuitira kuti vave negoho rakakura,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoti pane matambudziko agara achisangana nevarimi zvisinei nekusanduka kwemamiriro ekunze ayo anosanganisira kunonoka kudyara mbeu, kusakura pamwe nekukohwa izvo zvinoderedza goho.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×