Pangiso akahwinha goridhe

SHANGWITI yemujaho wemarathon, Kelvin Pangiso, ndiye akahwina mubairo mukuru wemari inosvika US$550 mumujaho weTanganda Half marathon wemakiromita 21 uyo wakaitwa kwaMutare svondo radarika.

Pangiso, uyo anomhanyira chikwata cheZimbabwe Prison Service Club, akasiya dzimwe shasha dzemakwikwi aya 400 mumujaho waakapedza neawa rimwe nemaminitsi mashanu zvakaita kuti ahwinhe menduru yegoridhe.

Wirimayi Juwao ndiye akaita wechipiri mumujaho uyu akaenda kumba nemenduru yesirivha. Muchinda uyu aiteverwa naKanisishias Navara uyo akwanawo menduru yebhuronzi.

Aka kakange kari kechipiri Pangiso achikwikwidza mumujaho uyu, mugore ra2011 akahwina menduru yebhuronzi zvichitevera kuita kwaakaita nhamba yechitatu.

Muhurukuro naPangiso anoti ari mudenga rechinonwe nekuhwinha kwaakaita.

“Ini ndine mufaro mukuru kuti ndauya kuno kuzomirira chikwata changu uye ndakwanisa kuhwina.

“Mune mimwe mijaho inotevera ndinovimba kuti vachange vave kuziva munhu wekutumira,” akadaro Pangiso.

Pangiso nguva yadarika akahwinhawo mimwe mijaho inoti weHarare Athletics Club Marathon wemakiromita 42 neweZimbabwe Republic Police Half Marathon.

Anoti ari kutarisira kunokwikwidza weOld Mutual Half Marathon uyo uriko musi wa26 Chikunguru.

Zvakadaro, kumujaho wemadzimai Rutendo Nyahora ndiye akahwina menduru yegoridhe kozoti Patience Murowe akahwina yesirivha bhuronzi ikatorwa naFaith Nyasango.

Mune mimwe mijaho yakaitwa svondo radarika, Elijah Mabhunu, uyo akahwina mujaho we21km gore radarika, ndiye akahwina we10km kozoti kumadzimai wakatorwa naOlivia Chitate.

Shasha yemarathon kumadzimai Constance Nyasango, uyo akahwina we21km gore radarika, rwendo rwuno akauya pechipiri mumujaho we10km.

Mumujaho wewiricheya wevarume goridhe rakahwapurwa naElford Moyo, sirivha ikatorwa naSamson Muroyiwa kozoti bhuronzi ikatorwa naMunyaradzi Katiyo.

Kumadzimai ewiricheya menduru yegoridhe yakaenda naThandiwe Ndlovu sirivha ikatorwa naMargret Bangajena kozoti bhuronzi ikahwinwa naRatidzo Tomu.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×