Varimi nevemakambani vakapangana mazano

VARIMI nemamwe masangano anoona nezvekudya pamwe nemakambani svondo rapera vakawana mukana yekupangana mazano ekuvandudza kuwaniswa kwekudya kunovaka muviri munyika panguva iyo Zimbabwe yakatenga matani echigabe 1 800 kubva kuZambia nedzonzvo rekututsira matura ayo.

Vachitaura pamusangano weZimbabwe Food Conference and Expo, gurukota rezvekurima, michina nekusimudzirwa kwemadiridziro Cde Joseph Made vakati Zimbabwe yakawana matani echibage aya kubva kuZambia senzira yekuvandudza kuwaniswa kwechikafu.

“Mamwe matani 1 300 achitori munzira kuti ange achipinda munyika muno nezvitima. Matani 1 8000 akatoendeswa kudura guru reBulawayo Grain Marketing. Goho redu rechibage riri kuramba richikanganiswa nekusanduka kwemamiriro ekunze uye kunonoka kuwana zvekushandisa kwevarimi,” vakadaro.

Cde Made vanoti parizvino dura reGMB rine chibage chinosvika matani 20 000.

Pasvondo varimi vanonzi vari kuendesa matani ari pakati pe3 000 ne4 000 kuGMB. Hurumende nemamwe masangano akazvimiririra vari kutenga matani 700 000 echibage kubva kune dzimwe nyika.

VaJacob Mwale avo vanove mukuru weZambia Grain Traders Association vanoti Zimbabwe iri kusangana nematambudziko pakutenga chibage kubva kune dzimwe nyika.

“Takakwanisa kutengesera Zimbabwe matani 40 000 echibage pamwedzi nekuda kwezvigozhero zviri kusanganikwa nazvo pamiganhu yenyika maringe nekubuda kwezvinhu zvinove zviri kutora nguva refu. Kudai vashandi vepamiganhu yenyika vaishanda kwemaawa 24 pamwe zvaideredza matambudziko aya,” vakadaro.

Sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakapa chichemo kuHurumende kuti kudai yabvumira kutengwa kwechibage chemaGMO kubva kuSouth Africa kuitira kuti nyika inge ichizadzikisa mukaha uripo wematani 300 000.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×