Pastor Terrence onoridza kuZambia

Pastor Terrence
Pastor Terrence

TERRENCE Guba, uyo anonyanya kuzivikanwa saPastor Terrence musambo wechitendero, anoti nyenyedzi chena iri kuramba ichipenya muhupenyu hwake zvichitevera kudanwa kwaakaitwa kuti anoridza kunyika yeZambia mwedzi unotevera.Muimbi uyu, uyo anogara kuKadoma, vazhinji vanomuziva nenziyo dzenhabvu dzaakamboimba achirumbidza Moses Chunga pamwe nechikwata chenhabvu chemadzimai chemaMighty Warriors.

KuZambia anoti achanoridza kukereke yeChrist Connect Church akabatana nevaimbi vekunyika iyi.

Muhurukuro neKwayedza, Pastor Terrence anoti haasi kugona nekufara nekuwaniswa mukana uyu wekunoridza kuZambia sezvo zviri kubatsira kuti mhanzi yake iite mukurumbira muAfrica.

Nguva pfupi yadarika, Pastor Terrence akanoridza kuMessina, kuSouth Africa akabatana nevaimbi veko.

“Zvinhu zvinofadza kuona mhanzi yako ichifarirwa kune dzimwe nyika. Zvinorakidza kuti unenge uchishanda nesimba uye ini hangu ndinonzwa manyukunyuku ndakazvitarira.

“KuZambia vachazviona vega kuti muZimbabwe tine chipo chekuimba,” anodaro.

Muimbi uyu ane madambarefu ake maviri anoti Tinotenda naMakanaka.

“Muna Chikunguru gore rino ndipo pandinotarisira kuita shoo yangu yekutanga muZimbabwe huru iyo ndine idi rekuti ichandibatsira kundisimudzira,” anodaro Pastor Terrence.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *