Catherine Murombedzi
MUGORE ra2015 makaitika zvizhinji kwazvo uye zvimwe zvaifadza zvimwe zvichisuwisa. Takatarira nhau yeutano nekurarama neutachiona hweHIV, zvakaonekwa kuti paruzhinji rwevanhu vakatanga kunwa mapiritsi emaARV makore maviri apfuura, chikamu chinosvika 80% nhasi chave nehupenyu.
Nhasi utachiona hwave pa14% makore gumi apfuura hwaive pa25%. Tinotarisira kuti hudzike kubva apa.
Kune vanhu vakatangawo kunwa maARV mugore ra2004 nanhasi varikowo, aya magamba akange ararama kusati kwava nemapiritsi emaARV. Shingi Matogo wemumusha weGlen View, muguta reHarare mumwe wevanhu ava uye chigwindiri.
“Ndakatanga kunwa mapiritsi muna2004 mushure mekunge ndaonekwa kuti ndine utachiona mugore ra1986. Inyasha kuti nhasi ndiripo ndiri mutano,” akadaro Shingi muhurukuro yatakaita kumusangano uchangopfuura weICASA muHarare.
Shingi akati anofadzwa zvikuru kuona kuti madzimai anorarama neutachiona vava kukwanisa kubereka vana vasina utachiona hweHIV.
“Ini kareko ndakashaikirwa nemwanasikana mucheche asi ndinofara kuti nhasi kwava nemishonga inoita kuti mwana asatapurire utachiona kubva kuna amai,” akadaro Shingi nerufaro.
Takatarisa nhau yevana, mukuru (director) wesangano reSAFAIDS – Lois Chingandu – achitaura pachirongwa chePositive Talk, akati patagona ngatipembedzei uye pachine dambudziko tisaise musoro muvhu kunge shiri yerudzi rwemhou (ostrich).
“Takatarisana nekukunda kupararira kweutachiona hweHIV ndima yava kuonekwa yasakurwa nekuzunzwa asi panenge pachiine dambudziko ngatisaisa musoro muvhu seOstrich, ngationei kuti dambudziko iroro tinoripedza sei,” akadaro Chingandu.
Chingandu akazivisa kuti vana vechidiki vasikana nevakomana pazera remakore gumi kusvika gumi nemana okuberekwa vese vanenge vaine utachiona hweHIV hwakadzikira.
“Takatarisa vanasikana nevanakomana vane makore gumi kusvika gumi nemana vese vanenge vaine utachiona huri pa3% kurakidza kuenzana,” akadaro Chingandu.
Chingandu anoti dambudziko riri kuzotanga pavanasikana apo vanenge vave nemakore gumi nemashanu zvichikwira.
“Dambudziko riri kutanga pavanasikana vava nemakore gumi nemashanu kuenda mberi nekuti zera iroro rinoti makore 15 kuenda pa24 revanasikana rinowanikwa utachiona hweHIV hwatungidzwa gwenya hwava pa11%. Vakomana vezera ravo vanoramba vari pa3% paya saka apa ndiani ari kupa vana ava utachiona hweHIV?” akabvunza Chingandu.
“Ipapa pane nhau yekuti inofanira kugadziriswa nevechidiki vachibatsirwa nemasangano anoita mabasa eutano.”
Anoti tingade kuita sekunge vanasikana vedu vasina dambudziko toramba takavatarisa sepwere dzezuva riya asi chokwadi tichirambana nacho nekuti zviri kubuda mutsvakiridzo zviri pachena kuti vari kupinda pabonde pasina dziviriro.
“Takabva kuita musangano weICASA uyo wakapindwa nevanhu vanosvika 5 000 kubva pasi rese. Vechidiki vakataura kuti vanoda kutaura vega nekuti vanoziva zvavanoda naizvozvo vemasangano nehomwe dzemari garai pasi nevechidiki mudzimure moto uyu nekuti ungave kamberevere kanonopisa matanda mberi,” akadaro Chingandu.
Anoti anofadzwa kuona kuti nhasi uno mwana ava kuberekwa asina utachiona hweHIV kunyangwe amai vainahwo.
“Tinofadzwa nechirongwa chekudzivirira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana chePMTCT nekuti nhasi uno tapfuura painge pakatarwa vana vanosvika 6,8% ndivo vachiri kuberekwa vaine utachiona hweHIV. Zviri pachena kuti 5% zvichidzika inotarisirwa mumakore mashanu anotevera tinoibata uye kutosvika pakuti hakuzove nemwana anoberekwa aine utachiona hweHIV zvakare,” akadaro Chingandu.
Zivo yeutachiona muvanhu yavamo uyo madzimai anowanikwa aine zivo iri mberi kupfuura varume nekuda kwenhau yekuti ndivo vanotakura mimba nekuenda kumakiriniki.
Vakadzi 70% vane ruzivo rweutachiona hweHIV takatarisa varume 50%.
Senyika Zimbabwe yakatsinhira muHarare Declaration kupedza denda reAIDS mugore ra2030. Izvi zvinogoneka kana tikadzimura moto uri kubaka muvanasikana vemakore 15 kusvika 25.
Vanasikana ava vari kuwana utachiona hweHIV kubva kunanasaimba chaivo vemakore 35 zvichikwira nekuti ikoko ndiko kune utachiona huri pa17%.
Ngatibatsirei vanasikana kana iri nhamo ngavawane cheuviri masangano ane homwe abatsire vawane chekurarama nacho pane kuzopinda dambudziko rekuzovaisa pamapiritsi kwehupenyu hwese zvinove zvinodhura kudarika kuvapa cheuviri varaure vega.
Tosangana pano tirivatano.
- Wenyu:[email protected]




