SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru yakaitika kwaSeke. Iyi inyaya yemukadzi ainge akazvitakura uyo ari kufungirwa kuti akafa nekurohwa kumasowe apo aipomerwa kuti airamba kureurura hupombwe panguva yaaida kusununguka.
Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi kutambura panguva yekusununguka ndiko kwakaparira mukadzi uyu sezvo achifungidzirwa kuti akarohwa mushure mekupomerwa hupombwe nevaifanira kumubatsira kuti asununguke zvakanaka.
Mukadzi uyu anonzi airohwa achinzi hupombwe hwaakange aita ndihwo hwaimutadzisa kusununguke mimba iyi.
Nyaya iyi pari zvino iri kuferefetwa nemapurisa uye chinofadza ndechekuti vanovimbira kuti vachasvika nayo kwayakaperera.
Mapurisa nguva yadarika vakashanyira nzvimbo inonzi yakaroverwa mukadzi uyu iyo inozivikanwa nekuti Chitsidzo, kunova kunosunungutswa vanhukadzi vechechi yeJohane Marange vanenge vaine pamuviri.
Panzvimbo iyi pakawanikwa paine vanhukadzi vane chitsama, kusanganisira vasikana vasati vabva zera, vaive nepamuviri vakamirira kusunungutswa.
Mapurisa akashora tsika yekuroodzwa kwevanasikana vachiri ndumurwa ndokuyambira kuti imhosva inoendesa munhu kujeri.
Zvinhu zvinowanikwa kuti munhukadzi anokwanisa kuita dambudziko panguva yekusununguka mwana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Nekudaro zvakakosha kuti vanhukadzi vanenge vaine pamuviri vaende kunosunungukira kuzvipatara kana makiriniki nekuti ndiko kune nyanzvi dzinokwanisa kuvabatsira kana vakasangana nezvigozhero.
Hongu, kunogona kunge kuine vamwe vananyamukuta vakadzidzira basa kumatunhu akasiyana enyika avo vanobatsira madzimai panguva yavanenge vave kusununguka. Asi zvakangonaka kutsvaga rubatsiro kuzvipatara nekuchimbidza kana pakaita zvimhingamipinyi panguva yekusununguka iyi.
Machechi akasiyana anogona kunge aine zvaanotenda mazviri zvinova musimboti wezvitendero zvavo asi kana munhukadzi ane pamuviri achirohwa panguva yekusununguka, iyi haizi tsika yakanaka, hutsinye hukuru.
Kana munhukadzi ave panguva yakadai anoda rubatsiro rwakanyanya kwete kuwedzera matambudziko gumi pazana kuburikidza nekumurova.
Zvikonzero zvinoita kuti vanhukadzi vane pamuviri vasangane nezvigozhero panguva yekusununguka zvakasiyana uye zvinosanganisira kuti dzimwe nguva mwana ari mudumbu anenge asina kugara zvakanaka kana kuti nzira yekubuda nawo inenge iri diki.
Vanasikana vanenge vasati vabva zera ndivo vazhinji vanosangana nematambudziko pakusununguka nekuti miviri yavo inenge isati yaibva zvekuti vakwanise kutakura mimba pamwe nekuzosunguka zvakanaka.
Machiremba akadzidzira basa bedzi ndiwo anokwanisa kubatsira kana paita dambudziko rakadai.
Vamwe vanhukadzi vanopedzisira vovhiiwa senzira yekusunungutswa mushure mekusangana nematambudziko pakubara.
Zvakakosha kuti vemachechi, zvikuru echipositori, vapihwe dzidziso yakasimba pamusoro pezvakanakira kuti vanhukadzi vasunungukire kuzvipatara.



