‘Pavarume ndinotowanikwa neatanga’

MUKADZI wekupotera kudare mushure mekurikitwa nemurume wake achipomerwa kuita zvikomba akati haangagare nemhondi iye aine runako “rwunonwisa mvura zvekuti ndinowanikwa neatanga”.
Muchuchisi weChitungwiza Magistrates’ Courts, Edmund Ndambakuwa, akati Fungai Kasamba (29), wepaSweden Farm kuBeatrice, akaendesa murume wake, Givemore Gwatura (31), kudare mushure mekunge arohwa muromo ndokukuvara achimupomera kuti ane chikomba.

“Ishe wangu, murume uyu nezvake handichada, handigare nemhondi. Ini nerunako rwangu urwu ndinowanikwa neatanga. Munhu kuuya kumba kwave kundiwana ndichidiridza hangu fodya yangu iye ndokutanga kundirova achiti ainge anzwa kuti ndiri kuita chipfambi naRichmore Tsongora.

“Ndakatanga kupikisana naye asi haana kuda kuteerera akabva andirova chibhakera chematsenga nzungu pamuromo ndikaona nyeredzi ndiye zii ndakadaro. Ndakazomukira kuchipatara, hameno kuti ishanje rudzii idzodzo,” akadaro Kasamba.

Gwatura akapokana nezvaitaurwa naKasamba achiti ane chokwadi chekuti anoita zvechipfambi nokudaro anoda kumugadzirisa hunhu hwake.

“Mukadzi uyu angade kundiparika inini? Hakuna zvakadaro, chandinoramba ndechekuti anoti ndakangomurova chete asina zvaaita. Ndakamubvunza zvaRichmore wake akatanga kurasa muswe.

“Nokudaro ndaida kugura kamuswe ikako haangandibvise chimiro onditi pwetere pwetere. Ndakamudandaura nehasha dai ndisina kubatwa ndakamugadzirisa.

“Anoona vamwe mukomboni vachihura akati adzidzire kuitira, ini manje handidyiswe.
“Ishe wangu, munandiregerera hangu nehasha idzi, ndiri kunzwa kusemeswa nemukadzi uyu. Dai dziri nhema ko akabva ati tisiyane sei?” akadaro Gwatura.

Mutongi Don Ndirowei akati nyaya dzemhirizhonga dzinonetsa nokudaro hazvinei kuti munhu atadzirwa zvakadii, vanhu vanofanira kutaurirana zvakanaka.

Gwatura akanzi abvise US$50 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×