PADARE raShe Matsiwo, kuGuruve, panonzi pakamuka chimoto nguva pfupi yadarika apo mamwe maporofita echechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku vakanangana huroyi vachirira nendimi.
Ishe Matsiwo, VaChrispen Chirume (38), vanoti maporofita aya akange amhan’arirana kudare ravo vachipomerana huroyi zvichitevera kufa kwemumwe mwana wemutendi wemuchechi iyi.
Vanoti maporofita ainakurirana nyoka mhenyu aya anosanganisira Mavis Danger, Tap Banda, Ottillia Chimuperu naKezious, vose vaipomerana kuroya.
Vanamati ava vanobva kuWard 6, kuKasuwo, uye vanonzi vakatanga kupumhana huroyi zvichitevera rufu rwemusikana ainzi Irene Banda, uyo anova mwanasikana waTap Banda.
Muchakabvu uyu anonzi akafa asina kurwara sezvo akangoita zvekupunzika izvo zvakazopa amai vake nevemhuri iyi kunozvitsvaga kun’anga nemaporofita emunzvimbo iyi.
Pakufamba kwavakaita, zvinonzi zvakabuda kuti mwana uyu aiva auraiwa nevamwe vanamati, ndokumbonochengetwa mumhango yemuti wemuwuyu asati anoiswa muhozi yepamusha wemumwe mutendi wechechi iyi.
Mweya wemufi unonzi wakabva watanga kusvika pane mumwe wevanhu vemuchechi iyi uchinzi waiti unoda kuripwa uye waidoma mazita evanhu vanonzi ndivo vakauraya.
“Mwana waTap Banda akafa ndokuzoporofitwa muchechi mavo vachinongedzana kuti ndimo mune vanhu vainge vamuuraya. Mweya unonzi waiti mutumbi uyu wakambonochengetwa mumhango yemuti wemuwuyu ndokuzobviswa uchinoiswa muhozi umo unonzi uri uchishandiswa mabasa anosanganisira kurima nedivisi nezvimwe,” vakadaro Ishe Matsiwo.
Zvinonzi muchechi iyi mune vanhu vakangotanga kurwara zvisina tsarukano izvo zvinofungidzirwa kuti zvine chekuita nenyaya iyi.
Mumwe wevari kurwara zvakaipisisa pavanamati ava anonzi akatotamiswa achiendeswa kuTrelawny, uko ari kurapwa kun’anga nekumaporofita.
“Vanamati vakauya mudare rangu vanosanganisa iye Tap Banda, Mavis Danger, Kezious naOttillia Chimuperu. Ndakavatonga nenyaya dzekupumhana huroyi. Pakaitika bhaisikopo chairo sezvo vanhu vose ava vachizviita maporofita, vakatanga kurira nendimi mudare rangu vachinangana huroyi ndikazovanyararidza.
“Vachadzoka zvakare mudare apo tinoda kuvapa chirango chavo, tiri kushevedza zvapupu zvaivapo pavakatanga kunangana huroyi nechaizvo zvakaitika,” vakadaro.
Ishe ava vanoti chinonetsa kudzimba dzevanhu ava kwese kwakanosvikwa nemakurukota avo maporofita aya achinzi aporofite mumba kana muhozi maiva nemutumbi wemwana uyu, kumuwuyu wainzi ndimo maiva nemhango yaiva yakaiswa mutumbi, asi hakuna chakawanikwa.
“Nemamiriro akaita nyaya iyi, vanhu ava vari kupumhana vose zvinoreva kuti tichavaripisa vose nekunangana kwavo huroyi,” vakadaro Ishe Matsiwo.
Vakakurudzira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekunangana huroyi uyewo kushandisa vanaTsikamutanda munzvimbo yavo vachiti imhosva huru.
Zvakadaro, dzimwe nyaya dziri kutongwa mudare rashe ava vanoti dzinosanganisira dzemamwe mapositori asingade kuti vana vanenge varwara varapwe kuzvipatara.
“Izvozvi tine nyaya dzemamwe mapositori asingade kuenda kuzvipatara nekunyoresa pamiviri pemadzimai avo. Mumwe akaita mwana wekudhonza mudumbu akafa nyaya iyi ikasvika kwatiri. Baba naamai vacho takavashevedza mudare tikavaripisa.
“Fungai kuti kurapa malaria vanamati ava vanozviisa sipo yehupfu ine mvura nekumashure kudzimara munhu arutsa kuti agonzi apona,” vakadaro.




