‘Pedzai matambudziko anodzikisira dzidzo’

Muchaneta Chimuka
NHENGO dzedare reparamende revechidiki, reJunior Parliament, dzinoti zvakakosha kuti Hurumende igadzirise matambudziko ari kukanganisa dzidzo, ayo anosanganisira kushomeka kwezvikoro pamwe nevarairidzi. Mukushi wemashoko kusangano reZimbabwe Youth Council, VaTanzikwa Guranungo, vanoti vechidiki vanotarisira kutambidza gwaro retsvakurudzo yavakaita pamusoro pematambudziko ari muchikamu chedzidzo kunhengo dzekomiti inomiririra nyaya dzefundo mudare reParamende.

“Takamirira kuti nhengo dzekomiti iyi vatipe zuva ravanenge vakasununguka asi chokwadi chiripo ndechekuti gwaro iri ratova mumawoko everuzhinji. Tinoda kuti vange vachigadzirisa mamwe ematambudziko ari kusanganikwa nawo nevadzidzi munyaya dzedzidzo,” vakadaro.

Zvimwe zvezvakabuda mutsvakurudzo yakaitwa mumatunhu akasiyana enyika zvinosanganisira kushomeka kwezvikoro, kusakara kwezvivakwa nemimwe midziyo inoshandiswa muzvikoro, kushomeka kwevarairidzi uye kwezvivakwa zvakakodzera kuvadzidzi vakaremara.

Zvakaonekwa zvekare kuti vamwe vadzidzi vekumaruwa vari panguva yakaoma sezvo vachifamba nzendo refu uye zvikoro zvavo hazvina zvimbuzi nemvura yakachena.

Ongororo yakaitwa kwaMahenye, kuChipinge South, inoratidza kuti vamwe vana vanofamba chinhambwe chemakiromita anobva pa5 kusvika 15 kuenda nekudzoka kuchikoro pazuva zvinova zvinovaisa panjodzi yekukuvadzwa nemhuka dzesango kana kubatwa chibharo.

Zvakadaro, vadzidzi vepaChigwagwa Primary School, kuZaka vakaonekwa kuti vari kufamba makiromita anodarika gumi pazuva kuenda kuchikoro. Vana vari kuchikamu cheEarly Child Development (ECD) ndivo vari panyatwa yakanyanya yekufamba kana zvichitariswa zera ravo.

KuWard 25 kuMutasa South, kuManicaland vamwe vadzidzi vanonzi vari kudzidzira pasi pemiti izvo zviri kukanganisa dzidzo, zvikuru sei munguva ino yekunaya kwemvura.

Vana vane chitsama zvakare vanonzi vari kusiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kushaya mari dzechikoro apowo vamwe vachiroodzwa mushure mekupedza Grade 7 nekuda kwezvimwe zvitendero. Dare reparamende revechidiki iri rakaitawo ongororo kumatunhu anosanganisira Chimanimani, Buhera, Nyanga, Chikomba, Mudzi, Mutoko, Goromonzi, Hwedza neMarondera.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×