VaChingweru munhu akambonyatsoita sei?

CHITSAUKO 1 (Ongororo)
Chitsauko ichi chinonyatsoita kuti muverengi aone kuti VaChingweru munhu akaita sei. Kubva mune zvinotaurwa nemunyori tichingotanga kuverenga chitsauko chekutanga, tinobva taudzwa kuti, “VaChingweru vakanga vakasunga mwoyo, vasingagoni kuseka chaizvo kuti keke-e . . . Hapana musi wavaimbofarawo chaizvo” (5). Kubva mune zvavanotaura, tinodzidza kuti mudzimai uyu ainge asingakendengi nemurume wake achitomuti kurwara kwaari kuti kurwara nhema kana usimbe chete. Havanzwiriwo murume wavo tsitsi vachitomubata nekuseri kweruwoko. Munhukadzi asingafariri Tendai mwanasikana wake uyo anoti inzenza achimuti “Zengenene” (6) “pfambi” (7).

Chokwadi ndinofunga muverengi anorwadziwa mwoyo apo anovanzwa vachiti, “Ndinoda kuti aroorwe nemurume chaiye, kwete zvandakaita ini zvokuroorwa noruharahwa rwava kuda kufa zvarwo” (5). Munhukadzi anongoona zvake chete asingadi kunzwawo zvinotaurwa nevamwe. Vaigaropopotera murume wavo.

Tinobva tatanga nekuona kushandiswa kwepfekedzaunhu iyo inotiratidza mashandiro aiita Monika. Zvinonzi usiku hwose “huyo yakarara ichichema kukuya” (5). Pfekedzaunhu iyi inoratidza kuti basa iri rakatora nguva yakareba richiitwa uyewo paive nemusindo wainzikwa wairatidza kuti basa iri ariita nesimba.

Enzaniso tinodziona dzichishandiswa kutsanangurwa kunoitwa chimiro chaVaChingweru kune kakusetsa mukati. Zvinonzi munhukadzi uyu ainge ane muviri wakaomarara “sebudzi rakasvava risati ranyatsoibva” (5). Apo vanenge vachitaura nezvaVaMushayazano murume wavo, vanovanyomba vachiti isimbe yomunhu inongotarisira kuti sadza richadonha kubva kudenga “semvura” (7). Vanopopotera Monika vachimuti anovirima chaizvo “samarava anodya muti waagere” (8). Vachiedza kuda kumunyengetedza, tinowanzwa voti Monika ngaarege kuzviuraya nebasa kana kuti arege kusevenza “sedhongi” (9). Vanoshatirwa vachiti Monika avapindura nemhaka yei akatsamwa “kunge bapu riri papfihwa” (10) apo vainge vamurambidza kuenda kubhazi kunomirira Tendai, kana akaenda hameno zvake, achatamba nemazinyope anodya achiita mahon’era “senguruve” (10).

Kudimikira kushoma asi kurimo kwacho kunoita basa rekurunga mutauro. Apo VaChingweru vanotsanangura murume wavo vanoti munhu uyu isimbe chaiyo isingadi kushandisa mawoko ayo kuita basa kana kuti “vakagara vaita mawoko avo bota” (7). Kuvatsamwira amai vake kunoitwa naMonika kunotsanangurwa navo vachiti, “Ndiwe unondiisira muromo mumhumo . . .” (10).

Tinodzidzawo nezvetsika nemaitiro aMonika. Izvi tinozvinzwa naivo amai vake vomene vachizvitaura. Tinovanzwa vachiti, “Apa Mwari akandipawo hake chipo apa munhu asinganeti! Munhu asingazivi kuti chinonzi usimbe chii kana ashinga zvake! Haana hasha, haana shanje kana utsinye haana rusarura murudo” (5).

Amai vake ndivo vaye vanomirira vanhu vachine tsika iya yekare yekuroodza vanasikana kuvarume vavanenge vasarudza ivo. “Ndinoda kumutsvagira murume wavanenge vasarudza ivo. Ndinoda kumutsvagira murume ini ndega, kwete kuti aroorwe nezvikekeke zvomuno izvi” (5), vanodaro.

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho)
Monika anosvika pamba paMujubheki ndokuwana shasha iri kukangira nyama mugango rechiRungu vanhu ndokumbokurukura zvavo, rume richirumbidza nekuve nemari isingazivani. Murume anochema-chema nenyaya yekuti haasi kufara nekuti achiri kuzvibikiro. Anoda kuroora mukadzi anonzi mukadzi kwete zvipurunyenye zvaari kuona. Monika anoti ngaasatsvinya akadaro zvobva zvatevera nyaya yokuti Mujubheki aimbove nemukadzi uyo anoti akafa nekuroyiwa nepamusana pembatya dzake idzo aimutengera ari Jubheki, mbatya dzakanga dzisingaonekwi muzvitoro zvekumusha.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×