Petr Cech oona tarenda

PETR Cech anoti ari kuona tarenda rinodadisa riri muvatambi veArsenal kubvira paakatengwa nechikwata ichi. Chizvarwa chekuCzech Republic ichi chiri kurakidza hunyanzvi hwacho zvichitevera kuenda kwachakaita kuchikwata ichi mushure mekupedza makore 11 chiri kuChelsea.

Cech aiyemura vamwe vatambi vaanotamba navo kare, asi ave kuvayemura zvakanyanya iye zvino apo ave kugara achitamba navo mazuva ose.

“Pane vatambi vakawanda kuno avo vaunotamba navo wotoona kuti mutambi uyu anogona zvikuru kutamba nevamwe nezvimwe zvakawanda,” akadaro Cech.

“Asi kana uchiita gadziriro navo, ukavaona vachitamba, unobva waona kuti vamwe vacho vane matarenda anonwisa mvura zvikuru.

“Kana ukaona Santi achitamba ari panzvimbo yakaoma uye womuona achitsvaga nzira yekubuda ipapo zvinokatyamadza zvekuti wega unoshaya kuti apabva sei nekuti zvimwe zvinhu zvekuti haufungire kuti anozviita.

“Vanhu vanongotaura zvaMesut nematambiro aanoita nekupira kwaanoita vamwe bhora. Anazvo asi ukamuona achimhanya, hakusi kungopira chete bhora. Mutambi akakwana manje.

“Unenge uchitoziva zvimwe zvinhu zvevamwe vatambi kana uchitamba navo, asi kana muri muchikwata chimwe chete unoona kuti vakakosha zvikuru.

“Kana uchitamba uchipesana naPer, unoziva kuti akareba uye kana ari mudenga haumbofe wakakwanisa kumutorera bhora kana kumudarika. Asi haisi nyaya yekureba kwake chete. Anogona kuongorora nhabvu zvikuru uye anogara ari panzvimbo nguva dzose ndosaka achitambira chikwata chino. Ndinogona kuramba ndichienderera. Togona kupedza maawa akawanda tichitaura nekuti zvatinowana muvatambi vose zvakawanda”. — Arsenal.com

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×