RIMWE sangano rakazvimirira, reSafety Shelter for Survivors of Gender Based Violence, riri kubatana nebazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana mukurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi, zvikuru yemudzimba.
Sangano iri, iro rinove rinoshandira kunharaunda yekwaGutu, kuMasvingo, rinoshanda zvakare neMsasa Project.
Semumwe mukadzi akanopotera kusangano iri, akazvambaradzwa ndokupisirwa mbatya dzose nemurume wake, nyachide navamwene vachimupomera mhosva yekubara mwana ane “maziwoko marefu”.
Musikana ane makore 16 okuberekwa uyu, uyo watisingadure nezita nekuda kwezera rake, anoti akanopetra apa mushure mekunge iye nemwana wake vapiswa nemvura nemurume achibatsirana nanyachide wake pamwe chete navamwene vake vachimuti akazvara “zimwana rine mawoko mahombe”.
“Ini ndakauya pano ndarohwa nemurume wangu, amai vake pamwe chete nemukadzi wake wechipiri. Pavakandirova vakabva vapisa hembe dzangu dzose ndikasara ndisisina chekupfeka. Mwana wangu paakanga achine vhiki azvarwa, akabva apiswa nesadza pamuromo navamwene vangu vachiti akanga asiri mwana wemwanakomana wavo.
“Vakanditi mwana uyu ane maziwoko akarebesa, saka haasi mwana wepo. Chakaita kuti vadaro inyaya yekuti pandakaroorwa ndakambotadza kuita pamuviri ndikazouchikwa. Saka vaiti mwana haasi werudzi rwemwana wavo.
“Pandakauya kuzopotera pano, ndipo pandakatanga kupihwa hembe dzekupfeka pamwe chete nechikafu nekuti ndakangouya ndiri munhu asina kana chinhu.
“Pari zvino ndakamirirra nyaya yangu kuti itongwe kudare kwaGutu kuti murume atangise kubhadhara mendenenzi nekutiwo ndipihwe gwaro redziviriro,” anodaro.
Mutungamiriri wesangano iri, Mai Memory Nyawasha, vanoti donzvo ravo nderekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi. “Vanhukadzi vazhinji muno maGutu vanouya pano senzira yekupotera nekuti ndicho chinangwa chikuru chakavambirwa sangano redu, kubatsira madzimai anombunyikidzwa mudzimba.
“Vazhinji vavo vanouya mushure mekunge vaunzwa kuno nemapurisa nekuti tinoshanda nemapurisa, kunyanya ekwaBhasera, mukurwisa mhirizhonga kumadzimai,” vanodaro.
“Vakawanda ndevaye vanenge varohwa nevarume nenyaya dzekushaikwa kwemari kana chikafu. Vamwe vacho ndivo vanenge vabatwa chibharo, kunyanya vasikana vane makore ari pasi pe18. Isu tinozovapa mazano ekuti voenda kunomhan’ara kuti varume vanenge vaita izvi vasungwe kana kuti vadzokere vagarisane zvakanaka.”
VaEnock Munyoro, avo vanova community development officer kunzvimbo iyi vachishandira kubazi rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, vanoti vakadzi vazhinji vanonopotera vanenge varohwa nevarume.
“Vazhinji vanouya pano vanenge varohwa nevarume vavo. Vashoma ndivo vanouya vaita zvekutukwa kana kudzingwa mudzimba.
“Nyaya dzevakadzi vari kurohwa mudzimba hadzisati dzadzikira kubva zvatakatanga muna Kukadzi. Tiri kutarisira kuti nyika yose ichavakwa mahofisi akadai nekuti mhosva dzekurohwa kwemadzimai dzichakawandisa,” vanodaro.



