Pivac ave panyanga

WAYNE Pivac ndiye akasarudzwa kuti azotsive Warren Gatland semurairidzi weWales gore rinotevera pachapera mutambo weWorld Cup.

Pivac ange achiita basa rimwe chete kuScarlets kubva mugore ra2014 izvo zvakamuona achiitungamirira kuhwina mukombe weGuinness PRO12 zvikabatsira chikwata chake kupinda musemi-fainari yeChampions Cup mumwaka mumwe chete uyu.

Shasha iyi – iyo yaimbove mupurisa kunyika yake yeNew Zealand – akakunda vamwe vanoti Dave Rennie naScott Robinson kupinda pachigaro ichi icho chichazosiiwa naGatland gore rinotevera pachapera mutambo weWorld 2019 Japan. Pivac acharamba achitungamirira maScarlets kusvika kupera kwemwaka we2018-19

Achazove pasi peWRU muna Chikunguru 2019, Gatland apedza kutungamira Wales kuWorld Cup. — SportMails rugby

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *