Zvikoro zvoda $9bn

Blessings Chidhakwa ange ari kuHURUNGWE—

HURUMENDE inoda mari inosvika $9 bhiriyoni yekuvaka zvikoro zvitsva zvepuraimari nesekondari munyika yose kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.Mashoko aya akataurwa svondo rapera negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, mushure mekushanyira chikoro cheTavoy Secondary School, kuHurungwe, vachiti Hurumende inoda makore matatu kusvika mashanu kuti iunganidze mari iyi.

Zimbabwe inoda zvimwe zvikoro zvitsva 2 000 zvepuraimari nesekondari kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana uye Hurumende yakatopedza hurongwa hweongororo hwekuti pange pachivakwa zvikoro 100.

Prof Mavima vaive vashanyira kuHurungwe vachiona mafambiro ari kuita basa rekuvakwa kwezvikoro zvina zvitsva neHurumende. Zvikoro zvina izvi zviri pakati pezvimwe 17 zviri kuvakwa pachishandiswa $20 miriyoni yakabva kuhomwe yeOpec Fund for International Development.

“Kuti tinge tichipedza zvose zvinoda kuvakwa kusanganisira zvikoro zvitsva, kuvandudzwa kwemalaboratories nenzvimbo dzekuitira mitambo, tinoda $9,1 bhiriyoni pakati pemakore matatu nemashanu ari kutevera,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuvaka zvikoro 100 munyika yose nechimbi chimbi.

“Mumazuva mashoma ari kutevera, tichaita musangano apo tichasangana nevatsigiri pamwe nevanoda kutipa mari yechikwereti kuti tifambise chirongwa ichi. Takaongorora nzvimbo 100 dzinofanirwa kunge dzichivakwa zvikoro.

“Apo tinowana mari iyi, tinobva tatanga kuvaka zvikoro izvi, izvo zvichatekeshera nyika yose zvichienderana nezvinenge zvichidiwa,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti Mashonaland West ndiyo ine kushomeka kwakanyanya kwezvikoro.

“Mashonaland West ndiro dinhu riri kunyanya kuda zvikoro nekuda kwechirongwa chekugoverwa kweveruzhinji ivhu. Mhuri dzakawanda dzakaenda kudunhu iri kunzvimbo dzaimbove nemapurazi makuru. Pazvikoro 17 zvatiri kuvaka nyika yose, zvina ndezvemudunhu irori,” vanodaro.

Hurumende yakavaka zvikoro zviviri zvepamusoro-soro kuHatcliffe nekuLupane izvo zvichashandiswa semucherechedzo wezvikoro zvitsva zvichavakwa kumativi mana enyika.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×