Pool League yoparurwa

SANGANO reHarare Metropolitan Pool League rinotarisira kuparura ligi idzva reHarare Metropolitan Pool Association munguva inotevera iro richange rine zvikwata 20.

Ligi iri richange rine zvimwe zvikwata zviri kubva kuligi reHarare Pool League kozoti zvimwe zvaitamba muSocial League kare.

Zvikwata 20 izvi zvichange zviri muHAMPA zvichaiswa mumapoka maviri umo zvichakwikwidza zviri.

Pakupera kwemwaka wepool wegore rino, zvikwata 10 kubva mumaligi maviri aya izvo zvinenge zvadadisa zvichazoiswa muligi rekutanga mugore ra2016 kozoti zvimwe zvacho zvichaiswa muHarare Metropolitan Pool Association Division One.

Munyori mukuru weHAMPA, Ephraim Choto, anoti zvikwata zvinopfura 35 zviri kuda chaizvo kupinda muligi ravo asi vachangoshanda ne20 chete gore rino.

Anoti kuwanda kwezvikwata zviri kuda kupinda muligi kunorakidza kuti mutambo uyu uri kukura uye uri kuyemurwa zvikuru.

Choto anoti pamusoro pemitambo yeligi, gore rino vachange vachironga mimwe yakasiyana iyo ichibatsira zvikwata pamwe nevatambi kuti vahwine mari pamwe nemibairo yakasiyana.

“Gore rino tauya takarongeka uye ligi redu rauya kuipa. Tiri kuparura ligi idzva reHarare Metropolitan Pool Association iro richange rine zvikwata 20 izvo tichazoisa mumapoka maviri,” akadaro. Choto akaenderera mberi ndokuti chikwata chichahwina ligi chichawana mari yakawanda kudarika yegore rapera uye pane mibairo ine chitsama iyo ichahwiniswa vatambi vemuligi iri.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×