Shato 30 dzakaonekwa paguval 20 dzakabatwa neParks l Izvi zvinoshura – N’anga

IDZI ndidzo dzimwe dzenyoka dzkaonekwa dziri pane rimwe guva kwaSabhuku Zimhofu kwaShe Ndanga, kuZaka nemusi wesvondo wadarika.
IDZI ndidzo dzimwe dzenyoka dzkaonekwa dziri pane rimwe guva kwaSabhuku Zimhofu kwaShe Ndanga, kuZaka nemusi wesvondo wadarika.

Walter Mswazie naLoveness Bepete
VAGARI vekwaSabhuku Zimhofu, kwaShe Ndanga kuZaka, kuMasvingo, vakasara vaine kutya kukuru apo pane rimwe guva pakawanikwa nyoka dzerudzi rweshato dzaidarika 30 nemusi weSvondo wapfuura.

Veruzhinji vemumusha uyu vanofungira kuti chiitiko ichi chine chekuita nehuroyi.

Ishe venzvimbo iyi, VaNdanga, vatakatsinhira nyaya iyi. Vakati chiitiko ichi chakaonekwa nevanhu vanodarika 50 uye chakaitika nguva dzekuma 9 mangwanani.

“Iyi inyaya yandinoziva asi ndinoda kutanga ndawana zvizere mairi. Ichokwadi kuti nyaya iyi yakaitika, kuti nyoka idzi dzakaonekwa dzichibuda mukati meguva kunzvimbo yemarinda muno. Handina chokwadi zvangu nehuwandu hwadzo asi ndakangonzwa kuti dzaiva dzakawanda zvikuru,” vakadaro Ishe Ndanga.

Sabhuku wemusha uyu, uyo airatidza kutya zvikuru, VaJeremiah Matumbike, vakati iyi inyaya yekutanga kuitika mumusha mavo. Vakati vakuru vemusha vari mubishi kutsvaga hama dzemunhu akavigwa muguva iri.

Sabhuku Matumbike vakati kana hama dzemunhu ane guva iri dzawanikwa vachaita kuti vatsvage n’anga kana maporofita anovabatsira panyaya iyoyi.

“Chiitiko ichi chinoshamisa, ndakadziona nyoka idzi ndoga. Dzaidarika 30 dzaibuda muguva iri. Ndinoda kuziva chaizvo kuti zvinorevei izvi,” vakadaro.

“Vemhuri ine guva iri vanoda kubatsirwa nemaporofita kana kuti nen’anga, huroyi chaihwo uhu,” vakadaro VaMatumbike.

Vakati nyoka hadziwanzoonekwa mudunhu ravo, izvo zvakabva zvaita kuti nyaya iyi isvitswe kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management, zvakazoita kuti vashandi vebazi iri vanodzitora.

Vakati musha wese vanhu vari kutya zvikuru zvisinei kuti hapana kana mumwe chete aigona kutsanangura kuti zvinorevei.

“Hatina kumbobvira takaona shato muno kusvika izvozvi, chishamiso chikuru chichaitika kana kumhuri ine guva iri. Shato idzi iyambiro kana kuti midzimu yemuno ine zvayakatsamwa, inoda kuripwa,’’ vakadaro.

Vashandi veNational Parks vanonzi vakazokwanisa kubata shato 20 sezvo kwaiva kuchinaya mvura zhinji izvo zvakavakanganisa kubata nyoka idzi dzose.

Mutauriri weNational Parks, Caroline Washaya Moyo akati nyoka idzi hadzinei nenyaya dzehuroyi.

“Iyi inyaya yekuti shato yakaita vana vayo vazhinji pasina kana chinombovhundutsa panyaya iyi,” akadaro Washaya Moyo. Chiremba mukuru wechivanhu kuBulawayo, VaCornelius Ncube, vakati pachivanhu zvinoshamisa kuona shato pedyo neguva uyezve zvinoshura.

Vakati chiitiko ichi chine chekuita nehuroyi. “Handifunge kuti ishato chaidzo idzi asi kuti zvikwambo, nyoka hadzifambe dzakawanda kudai. Mufi anogona kunge aine mashoko makuru aari kuda kusvitsa kuhama dzake achishandisa shato idzi. Hama dzemufi uyu dzinofanirwa kutsvaga zvizere nekuda kwechiitiko ichi,” vakadaro VaNcube. – Chronicle.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×