President, ruzhinji vochema Tuku

Tandayi Motsi
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti vanosuwiswa zvikuru nerufu rwemuimbi anga aine nemukurumbira pasi rose, Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi, avo vakashaya kuAvenues Clinic, muHarare nemusi weChitatu chino nekuda kwechirwere cheshuga.Mumashoko avo enyaradzo, President Mnangagwa vanoti, “Ndakaziva nezverufu rwemuimbi wedu ane mukurumbira Dr Oliver Mtukudzi nekukahadzika kukuru pamwe nekusuwiswa uyo akashaya kuAvenues Clinic muHarare.”

Vanoti Dr Mtukudzi vakasimudzira mureza weZimbabwe pasi rose panguva yavaiita mashoo kunyika dzakawanda.

President Mnangagwa vanoti nyika yose iri kubatana nemhuri yaDr Mtukudzi mukuchema zvichitevera kurasikirwa kwayaitwa negamba.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa vanochemawo Dr Mtukudzi ndokunyaradza mhuri yemuimbi anga achizivikanwa nekufarirwa nevakawanda uyu.

Vanoti mhanzi yaDr Mtukudzi yakabata-bata mamiriyoni evanhu pasi rose.

Gurukota rezvemitambo netsika, Kirsty Coventry, vakanobata maoko kumhuri yekwaMtukudzi nemusi weChitatu manheru uko vakati vainge varwadziwa zvikuru nekushaika kweshasha iyi.

Nemusi weChitatu washaika Dr Mtukudzi, sangano reNational Arts Council of Zimbabwe (NACZ) rainge raisa chikumbiro kuHurumende chekuti Dr Mtukudzi vapihwe ruremekedzo rwegamba renyika.

Vachitaura apo vakange vaenda kunobata mawoko kumhuri yemuimbi uyu kuNorton nemusi weChitatu, NACZ director VaNicholas Moyo vanoti vakaisa chikumbiro kuHurumende kuti Dr Mtukudzi vapihwe chiremerera chegamba renyika nekuda kwebasa guru ravakabata rekusimudzira nyaya dzemhanzi munyika.

“Taisa chikumbiro chedu kuHurumende chekuti Tuku apihwe chiremerera chegamba renyika. Tiri pano kuti titaure nemhuri yake kuitira kuti tifambise nyaya iyi.

“Chingava chinhu chikuru kuti ave muimbi wekutanga wekupihwa chiremerera chakadai. Anokodzera kupihwa chiremerera ichi nekuda kwekushanda kwaakaita nesimba uye kutungamira chikamu chezvemhanzi,” vanodaro VaMoyo.

Veruzhinji, kusanganisira vamwe vekunze kwenyika, vari kukoromoka vakananga kuNorton kunobatana nevemhuri nehama neshamwari mukuchema shasha Mtukudzi.

Kusvika pabuda nyaya ino, zvange zvisati zvazivikanwa zvakawanda pamusoro pechikumbiro ichi.

Dr Mtukudzi vanga vave nemakore 66 okuberekwa.

Zvizhinji maererano nekuvigwa kwavo zvichaziviswa nekufamba kwenguva.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×