Vashandi veHurumende wowana mari Chishanu

Freeman Razemba
VASHANDI veHurumende vachawana mari yavo yechikamu che22,7 yema”allowance” iyo yavakapihwa naPresident Mnangagwa nemusi weChishanu chino, gurukota revashandi veHurumende nekubatsirwa kwevanoshaya, Dr Sekai Nzenza vanodaro.President Mnangagwa vakapa vashandi veHurumende mari iyi svondo rapera kuitira kuti vabatsirikane pakati pemwedzi waNdira kusvika Kurume 2019.

Mari iyi ichabatsira vashandi veHurumende zvichitevera mamiriro ezveupfumi munyika uye hainei nehurukuro dziri kuitwa pari zvino neHurumende nevashandi vayo maringe nekuwedzerwa kwemari dzavanotambira.

Mumashoko avo, Dr Nzenza vanoti Hurumende ine hanya zvikuru nevashandi vayo.

“Nedonzvo rekuramba tichisimudzira mashandiro evashandi veHurumende, Hurumende iri kuita zvakasiyana, kusanganisira kupa zvekufambisa kuvashandi vayo uye nezvirongwa zvekuti vawane dzimba kunzvimbo dzavanoda,” vanodaro.

Gurukota iri rinoti mushure mekuona matambudziko akatarisana nevashandi veHurumende, President Mnangagwa vakati vanofanirwa kupihwa mari yekuti vafanobatsirikana pakati paNdira naKurume panguva iyo hurukuro dzekuwedzera mari dzavanotambira dziri kuitwa.

“Mari yekuti vashandi vafanobatsirika ichabhabharwa panosvika musi wa25 mwedzi uno uye panotambirwa mari yepeyi yemuna Kukadzi naKurume 2019,” vanodaro.

Hurumende nevashandi vayo vachiri pakati pehurukuro dziri pamusoro pekuwedzerwa kwemari dzemuhoro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *