‘President vakagona’

Vanyori veKwayedza
VERUZHINJI vanoti kana dai zvazvo kugara pamba sezviri kudiwa kuti munhu wose aite muZimbabwe kwakaoma kune vamwe vanhu, hapana rimwe danho ringatorwa neHurumende kuitira kurwisa kutapurirana nekupararira kwechirwere chashungurudza pasi rose cheCovid-19.

Nemusi weSvondo manheru, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakawedzera nguva yekuti veruzhinji vagare kudzimba kuitira kupa Hurumende nemasangano anobatsira mukana wekumisa kupararira kweCovid-19 munyika.

Kusvika nemusi uyu, muZimbabwe mange mavhenekwa vanhu 2 851 apo 25 vavo vakawanikwa vaine Covid-19.

Pavanhu vakawanikwa vaine denda iri ava, vatatu vavo — vose vanhurume — vakatoshaya.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus uye chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga unochirapa pasi rose.

Mushure mekuona kukura kwedambudziko rakatarisana neZimbabwe nepasi rose nekuda kweCovid-19, President Mnangagwa vainge vatara kubva musi wa30 Kurume kusvika musi weSvondo wakarika kuti vanhu vambogara mudzimba kwemazuva 21.

Asi nekuona kuti Zimbabwe — sedzimwe nyika dzepasi rose — haisati yasvika panodiwa chaipo mukurwisa Covid-19, President Mnangagwa vakawedzera nguva yekuti veruzhinji vagare kudzimba nemamwe masvondo maviri kusvika musi wa3 Chivabvu.

Nekune rimwe divi, President Mnangagwa vakanyevenutsa murawo uyu kuti utendere vemapazi anosanganisira vanoita zvezvicherwa kuti vashande – asi vachitevedzera zvinokurudzirwa neveutano panyaya dzekurwisa chirwere ichi.

Mushure mekunge President vatura mamiriro ezvinhu matsva aya, veruzhinji vanogashira danho iri vachiti ndiyo bedzi nzira ingabatsira pakurwisa Covid-19.

Murairidzi pachimwe chikoro chiri kuMazowe, Persistence Dube, anoti kuwedzerwa kwemazuva uku hakuna zvakunokanganisa asi kutobatsira kuraramisa ruzhinji.

“Kwandiri hapana zvazvinokanganisa sezvo mwedzi uno wagara ndewezororo kwatiri varairidzi nevana vechikoro. Zvaitwa naPresident zvakatonaka,” anodaro Dube.

Anotiwo dai Hurumende yawedzera nguva dzakatarirwa vezvitoro dzekutengesa.

“Zvitoro zvekuno zviri kukasika kuvhara uye vatengi vanenge vachakawanda panze vasati vatenga. Dai Hurumende yatowedzera nguva uye zvinhu ngazviwanikwe nekuti tave nenguva tichishaya chimwe chikafu,” anodaro.

Mufundisi kuchechi yeAFM, Pastor Tinotenda Kusemwa, vanoti vanhu vanofanira kuona zvakanakira matanho aya.

“Kuwedzerwa kwemazuva kuwaniswa kwevatendi mukana wekunamata nekuva pedyo pedyo naMwari vasina kwavanomhanyira. Musiki anoshandisa nzira dzakasiyana kuti vanhu vamunamate nekumutsvaga nekuti vanenge vaomerwa nekudaro Corona ichaita kuti tinamate nekutizira kuna Mwari muridzi weupenyu,” vanodaro Pastor Kusemwa.

Kuchiti murume noita zvekuchinja mari pamusika mutema, Brighton Muungani, anoti idanho rakanaka ratorwa neHurumende nekuti zvinoratidza kuti chirwere ichi hachina kumira zvakanaka.

“Mari tinoida asi upenyu hwakakosha uye dai vebazi rezveutano pamasvondo maviri aya vambofamba mudzimba vachiongorora vanhu kuti havana chirwere here nekuti kungovharirwa mudzimba pasina ongororo zvinogona kusabatsira padambudziko ratakatarisana naro senyika nepasi rose,” anodaro Muungani.

Muungani anotarisira kuti panozopera nguva yakatarwa iyi, anenge okwanisa kudzokera kubasa kwake sezvo mazuva awandisa asiri kuita mari uye agere pamba.

Pastor Hazvinei Muchefa vekuWaterfalls, muHarare, vanoti kuwedzerwa kwemazuva ekurwisa denda reCovid-19 munyika muno hakuna kumboipa sezvo kuine donzvo rekumisa dambudziko rechirwere ichi.

“Kuwedzerwa kwemazuva ekuti vanhu vagare kudzimba hakuna kuipa, vanhu tinongonamatira mudzimba dzedu nekutevedza zvose zvinodiwa,” vanodaro Pastor Muchefa.

Kuchiti Mbuya Nancy Mufarinya (67) vanogara mumusha weBudiriro, muHarare, vanoti  veruzhinji ngavatevedzere zvinenge zvatarwa nemutungamiri wenyika sezvo zvakananga kuponesa ruzhinji.

“President Mnangagwa vari kutevera zvakatarwa neWorld Health Organisation (WHO) vanova ndivo vanamazvikokota vezveutano. Tichatevedza zviri kudiwa nekuti hakuna chatingaite pasina utano.

“Utano pamberi, ndiko kuti tidzokere kumabasa atiri kutarisira mukupera kwe’lockdown’,” vanodaro Mbuya Mufarinya.

Vanoti zvakare ino inguva yekuti nyika inge ichiisa zvichemo zvayo kuMusiki.

Kuchiti Ngoni Nhandara anotsigirawo matanho atorwa ekuwedzera nguva iyi nemasvondo maviri.

“Mushure memazuva ekutanga atange tiri pa’lockdown’, zvaonekwa kuti vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 vari kuwedzera zvinoratidza kuti dambudziko richiripo. Mazuva awedzerwa aya achabatsira kuti kupararira kwechirwere ichi kunyatsotariswa, poonekwa kuti chingamiswa sei,” anodaro Nhandara.

Chenesai Noreen Mukora anotiwo: “Tinotsigira danho iri, zvakakosha kuti nyika ibatane mukurwisa denda iri. Vanhu vanofanirwa kunzwisisa kuti chirwe ichi chiriko uye chinouraya. Saka ngatinzwisise kuti Covid-19 chii nekuti vamwe vange vasingagare mudzimba, vasingageze maoko vachifunga kuti ijee. Yava nguva yekuti ruzivo rwechirwere ichi rwupinde muvanhu.”

Vanoda kuziva kana kubatsirwa maringe nechirwere ichi vanogona kuridza nhare dzemahara dzinoti 2019.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×