Prince Musarurwa orangarirwa

Abel Ndooka

Aimbove muimbi weAfro-pop, Prince Kudakwashe Musarurwa, akarangarirwa nemusi weMuvhuro svondo rino nevamwe vaimbi vemisambo yakasiyana apo vakaita shoo yekupemberera hupenyu hwake kuCity Sport Bar muguta reHarare.

Musarurwa akashaika nguva pfupi yadarika mushure mekurwara negomarara uye akaradzikwa kumusha kwake kwaZvimba.

Muhurukuro neKwayedza, Yasina Dhala maneja wepaCity Sports Bar anoti rufu rwaPrince rwakarwadza vaimbi vazhinji sezvo akange achiri mudiki pamakore okuberekwa uye ane chiedza chakanaka chaive kumberi kwake.

Anoti shoo iyi vakaironga kuti vaimbi vakakundikana kuenda kurufu rwake kunobata maoko vawane mukana wekuzochema nevamwe vari pamwechete.

Yasin Dhala

“Prince akatirwadza nekutisiya kwaakaita, muimbi ange ane chiedza chakanaka kumberi kwake. Hapana aimbozvifungira kuti zvingadaro saka takangozvitambira kuti ndizvo zvaitika.

“Nekudaro isu takaronga tikaunganidza vaimbi vakawanda nekuchimbidza kuti vauye tigopembera pamwe hupenyu hwaPrince. Tinotenda vaimbi vakakwanisa kuuya tikabata tiri pamwechete,” anodaro Dhala.

Vaimbi vakakwanisa kuridza pashoo iyi vanosanganisira Ammi Jamanda, Loveness Mainato, Twin Lion naPax Gomo.

Musarurwa vazhinji vanomuziva nekambo kaakaita naPah Chihera ako kakanetsa zvikuru kanonzi “Runonzi Rudo”kozoti “Gogodera”.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *