Ravira muboora une dovi

USAVI hwemufushwa wemuboora hunokurudzirwa zvikuru sezvo kuri kudya kwechivanhu kunosimudzira utano.
Svondo rino Julia Cosmas Mudereri wekuBindura anorondedzera mamwe mabikirwo eusavi uhu.

Zvinodiwa:
Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, mufushwa wemuboora, hanyanisi, matomatisi nemunyu.

Mabikiro:
Tora hanyanisi nematomatisi wosuka nemvura inotonhora.
Cheka kuita zvidimbu zvidiki wogadza chikari pamoto.
Isa mvura uye kana yave kufashaira, tora muriwo woisa imomo kwemaminitsi gumi.
Chiisa hanyanisi imwe nematomatisi maviri wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.
Isa zvipunu zviviri zvedovi woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.
Isa munyu wakaringana.
Raidza wobura, munogona kudya nesadza remhunga, rezviyo kana rechibage.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *