‘Pamwe igomarara’

Munyori weKwayedza
VOTAURA pamusoro pedenda remukadzi ari kuti anoyamwiwa nenyoka nezvidhoma uyu, chamangwiza wechipatara cheHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka vanoti mudzimai uyu anofanirwa kuenda kuchipatara onoongororwa namachiremba kuti haana gomarara here.

“Amai ava vanofanirwa kunge vaine gomarara repazamu saka tichikurudzira kuti vanhu vakurumidze kuenda kuzvipatara pane kumhanyira kufunga zvechivanhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Bonface Katerere vekuUzumba vachiti mudzimai uyu anogona kunge aine gomarara repazamu.

“Zviri paviri, chokwadi rinogona kunge riri gomarara. Asiwo hatirambe kuti zvidhoma kana kuti nyoka dzevaroyi dzinosvitsa munhu pakadai. Munhu anorumwa kusvika apera nyama.

Varoyi zviriko,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *