Reina opembedza Sarri

PEPE Reina anoti aimbove murairidzi wake, Maurizio Sarri, anogona kurairidza zvikwata zvikuru zvichitevera mashoko ari kutenderera ekuti angangotsiva Zinedine Zidane kuReal Madrid. Zidane akaramwa basa rekurairidza Real Madrid svondo radarika mazuva mashanu achangosimudza mukombe weChampions League uyo waakahwina katatu kakatevedzana.

Mutungamiriri weMadrid, Florentino Perez, ave kufanirwa kutsvaga mumwe murairidzi anotsiva chizvarwa chekuFrance ichi uye Sarri zita rake riri kutaurwa nezvaro kunzi anogona kuenda kuzvikwata zvikuru zvakawanda muEurope zvinosanganisira Madrid neChelsea.

Achitaura nebepanhau reAS rekuSpain, Reina anoti, “Tiri vanhu vamwe. Tine hukama hwababa nemwana, ndinomuda zvikuru uye ndichagara nekutenda nezvose zvaakandiitira.

“Ndiye akaita kuti zvose zvaiitika kuNapoli makore matatu adarika zvibudirire, uye anoda nhabvu inonwisa mvura inoyevedza.
“Ini ndingatokurudzira zvikwata zvakasiyana kuti zvimutore nekuti ane njere dzenhabvu uye ane ruzivo rwakanyanya rwemutambo uyu.” – Sportsmail Football

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×