‘Rimai mbesa dzinopa mari nekukasika’

Abel Ndooka
NYANZVI munyaya dzekurima Dr John Basera vanoti varimi vanofanirwa kurima zvirimwa zvinovapa mari nekuchimbidza zvinosanganisira soya bhinzi, mhunga, miriwo, matomatisi, makabhichi nemacarrots kwete kungomirira kurima chibage chete.

Vachitaura svondo radarika muHarare pagungano refield day rakarongwa neveNational Tested Seeds, Dr Basera — avo vaive muyenzi anoremekedzwa — vanoti zvakakosha kuti varimi vavandudze mabasa avo kuburikidza nekurima mbesa dzinoita kuti vawane mari nekukasika.

“Murimi unofanirwa kurima zvirimwa zvakasiyana kuti nguva ipi neipi unge uchitumira zvirimwa zvako kumusika zvichinotengeswa iwe uchiwana mari.

“Musangomirira kurima chirimwa chimwechete sekuzviti uri murimi wechibage kana fodya. Muenzaniso, kana uchirima chibage chinorimwa munaGunyana, Gumiguru uye Mbudzi uchizochikohwa munaKubvumbi saka pamwe pese apa mari uri kuhoresa sei vashandi uye uri kugadzirisa sei michina yako yekurimisa?

“Ndipo paye panozonzi papurazi hapanakidze kugara nekuti unenge une zvikwereti, une zvikwereti kuvashandi uye une zvikwereti kune vanogadzira michina yako yekurimisa.

“Saka varimi ngatitangei kurima zvimirwa zvinochimbidza kuunza mari ndokuti papurazi pagarike,” vanodaro.

Dr Basera vanoti maringe nemutemo weAgri Business Management — uyo unokurudzira kuitwa kwemabasa nenzira inopa murimi pundutso — murimi wese panopera mwedzi miviri anosungirwa kunge achitumira zvirimwa zvake kumusika.

“Mutemo chaiwo weAgri Business Management unotaura kuti pamwedzi miviri murimi unofanirwa kutumira zvirimwa zvako kumusika zvinotengeswa uye kana uchizvikwanisa kamwechete pamwedzi kana pasvondo chaipo kana zuva rega-rega zvingatonake,” vanodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *