‘WAKANDINOKORA TSOKA’

Munyori weKwayedza
MUKADZI anogara kurukisheni rweGarikai, kwaMutare, ari kupumha muvakidzani wake huroyi mushure mekumubatikidza kwaanoti akaita achinokora tsoka yake paivhu raainge atsika.

Kunokora tsoka zvinonzi kutora ivhu repanenge patsikwa nemunhu, iro rinozonoshereketwa naro nemishonga yakaipa nechinangwa chekuda kukuvadza.

Nemusi weChitatu chadarika, Mavis Mhenderere akaudza dare reMutare Magistrates Court kuti ave kugara achitya muvakidzani wake, Janet Matapura, nemwanakomana wake Obert Vuka avo vaanoti vakamuudza kuti vanoda kumukaurisa mushure mekumunokora tsoka.

Kudare uko Mhenderere aikumbira gwaro rinomudzivirira kubva kuvaviri ava.

Vatatu ava vakamira pamberi pemutongi Prisca Tendai Manhibi uyo akapa gwaro redziviriro kuna Mhenderere.

“Mai ava vakandinokora tsoka uye munhu wose akaona vachizviita. Nyaya yacho yakatangira pakuti ndakashevedzwa nemapurisa kunopa huchapupu panyaya yavari kupomerwa vose nemwanakomana wavo.

“Vose vakakumura mumwe mukadzi mbatya zvekusara ave musvo, ndokumurova pazere vanhu. Saka mudzimai wacho akanomhan’ara kumapurisa, ini ndikazoshevedzwa kunopa huchapupu.

“Nechinangwa chekundivhundutsira nezvimwe zvakasiyana, Mutapura akanokora ivhu repandainge ndafamba napo,” anodaro Mhenderere.

Mhenderere anoti Matapura nevana vake vane tsika yekumushevedza vachiti ipfambi uye vachifambisa manyepo munzvimbo yeGarikai kuti ane utachiona hweHIV.

“Mudzimai uyu nevana vake vakandivenga chaizvo. Handina rugare kwemakore. Vanonditi ndiri pfambi uye vofambisa manyepo kwatinogara ekuti ndine HIV.

“Pamusoro paizvozvo, vanokanda tsvina yembwa pamba pangu uye vanogara vachinditi vanoda kurova mwana wangu mudiki asinei nenyaya iyi uye asina zvaanoziva,” anodaro Mhenderere.

Matapura naVuta vanoudza dare kuti havana dambudziko nekuti Mhenderere apihwe gwaro raanokumbira.

Vanoti havana chavanoona chavakakanganisa kuna Mhenderere asi kuti iye ndiye akavenga mhuri yavo pasina chavakamutadzira.

“Handiite zvinhu zvakashata kwaari. Paakabatwa nemurume wake achiita chipfambi, vavakidzani vose vakauya kuzozvionera. Ndipo paakatanga kushevedzwa mazita ekuti pfambi uye haana hunhu, asi ini ndakange ndisipo pavanhu vaimushevedza mazita iwaya.

“Akangotivenga pasina chatakamutadzira uye ndinongozvibvunza kuti sei,” anodaro Matapure.

Matapure anoramba zvekare mashoko ekuti akaroya Mhenderere.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *