‘Rimai mbeu yakauchikwa’

Lizzy Mushoriwa
VARIMI vokurudzirwa kuti varime mbeu yakauchikwa sezvo ichitirira muzuva, isingabatwe nezvirwere zvakasiyana nyore pamwe nekuvapa goho guru. Kurudziro iyi yapihwa svondo rapera naVaIvan Craig vanove director sales and marketing kuAgriseeds pazuva rekupa mubairo kumurimi akakunda vamwe kurima mbeu inouchikwa nekambani iyi kwaChihota.
Mai Tarisai Kadembo vemubhuku rekwaMhizha ndivo vakahwapura mubairo mukuru wekurima mbeu yeAgriseeds uye vakatunzvaidzwa nekupihwa mibairo inosanganisira mbeu nefeteraiza.

“Varimi mese muri pano ndofunga maona kusvika kwakaita chibage chaamai ava saka ndinokurudzira kuti mushandise mbeu yekauchikwa nekuti inokupai goho rakanaka. Mbeu yakauchikwa haikurumidze kukanganiswa kana mvura ikasanaya kwenguva yakareba,” vanodaro VaCraig.

Zvakadai, Mai Kadembo vanoti vanonzwa manyukunyuku nekutora kwavakaita mubairo mukuru wekurima uyu.
“Ini ndakatanga kurima mugore ra1982 nemhuri yangu. Tairima dzimwe mbeu idzo dzaitipawo goho rinoenderana asi gore rino ndakarima mbeu yeAgriseeds inonzi Zap 61 iyo yandisina kuisa feteraiza yeD asi Top chete nekuti mvura yainge iri shoma.

Ndinofara nekuti izvi hazvina kukanganisa chibage changu nekuti mbeu yacho ine chikafu, chibage changu chakasvika zvokuti kudarika chevamwe vose uye svondo rinotevera tinenge tave kutokohwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinokurudzira vamwe varimi kuti vashandise mbeu iyi nekuti inounza maguta uye unokohwa chaizvo sezvandiri kuita gore rino. Ini basa rangu ndinongoita zvekurima izvozvi uye vana vangu vakaenda kuchikoro nebasa irori.

“Musha ndakavaka unodadisa kwazvo kana chikafu mavhu nemarara. Naizvozvo ndinokurudzira mamwe madzimai kuti asagarire maoko asi kuti tishande uye kusimudzira hupenyu hwedu nemhuri dzedu.”

Vachitaurawo pagungano iri, Muzvare Veronica Muzenda vekambani yeSuper Fert vanoti vanokurudzira varimi kuti vashandise feteraiza kuitira kuti vawane goho guru.

“Isu veSuper Fert tinokurudzira varimi kuti vatenge feteraiza nekuti inovandudza goho, kunyanya ukaisa mumbeu yakauchikwa makeke chaiwo unokohwa pakuru,” vanodaro.

Chiitiko ichi chakakotsverwa nemakambani anosanganisira Agriseeds, Super Fert neFarm & City Center.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *