‘Rimai zvamunogona’

SANGANO reZimbabwe Farmers Union rinoti zvakakosha kuti varimi varime minda inoenderana nezvekushandisa zvavanenge vanazvo zvakaita sefetereza, mbeu nemisonga yekufiritisa mbesa kana vechida kuve nepundutso mumabasa avo.

ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vanoti varimi vazhinji vanotarisa kukura kweminda yavo vasingakoshese kuisa zvakakwana muminda iyi kuti vagokwanisa kukohwa zvinovagutsa.

“Tine minda ine ivhu rakanaka zvikuru uyewo yakakura asi dambudziko riripo vamwe varimi vedu havaise manyowa, fetereza nemishonga inokwanirana kuti zvirimwa zvigoita zvakanaka.

“Kukura kwemunda handiko kukohwa, murimi ngaarime nzvimbo yaanokwanisa kuisa manyowa nefetereza nemishonga inodiwa uyewo okwanisa kusakurira zvirimwa izvi munoona kuti nyika yedu inoguta,” vakadaro VaZakariya.

Vakapa muenzaniso wemunda wakatandavara hekita imwe chete wavakati mumwe murimi anogona kukohwa matani nemaviri echibage asi vamwewo vachisvitsa kana matani matatu chaiwo.

“Dambudziko rine varimi vedu vanoda kuti munda unofanirwa kuiswa masaga gumi efetereza ivo vanokamura voisa mashanu kana mana izvo zvinokonzera kuti goho ridzikire,” vakadaro VaZachariya.

Vanoti mwaka wadarika goho rechibage rakasvika pamatani 1,4 miriyoni anova akadzikira zvikuru sezvo nyika ichida huwandu huri pakati pematani 1,8 miriyoni kusvika 2,4 miriyoni.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×