Varimisi ngavatsigirwe

HURUMENDE yakakurudzirwa kuti itore matanho ekuona kuti varimisi kana kuti madhomeni vawana zvinhu zvakakwana zvekushandisa pamwe nekuve neruzivo rwechizvino-zvino nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima munyika.

Vachitaura pamhemberero dzeWorld Food Day idzo dzakaitirwa paChitora Irrigation Scheme kwaMutoko nguva pfupi yadarika, gurukota rehurumende rinomirira dunhu reMashonaland East, Cde Simbaneuta Mudarikwa, vakati varimisi vari kusangana nematambudziko ekushaya zvekushandisa mubasa ravo.

“Zvinhu zvinorwadza kuti varimisi vedu vari kusaririra kumashure munyaya dzeruzivo rwemakombiyuta zvinova zviri kukanganisa kufambira mberi kwebasa ravo. Varimisi vekumaruwa vamwe vacho havatokwanisi kushandisa chinhu chinonzi kombiyuta zvinoita kuti vakundikane mukufambirana nenguva saka tinoda kuti Hurumende ipindire ipapo,” vakadaro Cde Mudarikwa.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×