Rina manyanga hariputirwe: BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachena
TICHIBVA muhurukuro yatakaita svondo rakapera “mbudzi kudya mufenje hufana nyina” apo taikurudzirana kusaita nhafu mudzimba dzedu, mumakambani atinoshandira, kana mukushandira nyika, takaparura nyaya inoti “rina manyanga hariputirwe”. Ichokwadi kuti nyanga dzinonetsa kuputira kana kuviga nokuti dzakapinza, dzinoboora zviputiriso, dzobva dzaonekwa.

Ndizvo zvimwe chetewo nenhafu dzataikurukura svondo rakapera nezvimwe zvakaipa zvinoda kuvigiridzwa nevanhu mukurarama kwavo.

Mibvunzo ndiyoyi, ko vanhu vanodirei kuviga zvinhu? Vanotyei kuti apa ndatadza, mangwana handichapamhidza? Mhinduro ndidzodzi zvakare, kana ari mwana, anoti ndinotukwa kana kurohwa nevabereki kuti ndapunza ndiro, ndarovha kuchikoro kwandabva kumba ndichiti ndiri kuenda, asi ndikasazoenda.

Asi zvingatadzike here kuzoonekwa mangwana kuti ndiro yedhaka yakapunzwa, kana kuti mwana akarovha kuchikoro, kana kuti mwanasikana akatamba zvisizvo nemukomana iye achiri pachikoro?

Mhinduro ndidzodzi dzinoti zvose zvichabuda pachena nokuti amai vachada kupakurira ndiro dzavo dzakanaka kana vanyarikani vashanya pamusha, mudzidzisi vachavhunza vabereki kuti sei mwana asina kuuya kuchikoro nezuro, mwanasikana achatadza kumedza dumbu kana pamuviri pakura.

Ndizvowo nesu pamusha, pakambani kana mumapazi ehurumende. Mhosho dzanhasi dzinobuda mangwana. Nokudaro ngatibudei pachena kukundikana kwedu, totsvaga rubatsiro nguva iripo, tokumbira ruregerero nguva ichiripo zvakare, nokuti muripo unopihwa munhu anoramba mhosva yake unokura pakuti anopedzera vanhu nguva iye achiziva kutadza kwake.

Chenjedzo:
Dambudziko rinouya tikavanziridza zvakaipa, nokuti dambudziko richany’enga rikakura, rozotadza kugadzirika. Tikanonoka kugadzirisa dambudziko, richazodhura kugadzirisa kana kusazogadzirika zvachose. Izvi zvicharwadza vanyakunyeperwa vaye, zvovashatirisa, mwana kwave kutorerwa shamhu obva arohwa, kuti sei usina kutaura kuti ndiro yakapunzika, kana kurohwa kuti sei wakatiza chikoro nezuro, kana kudzingwa pamusha kunzi enda unogara neakakupa pamuviri.
Ngatizviongororeyi kuti zvandakaita ndikavanza mumhuri yangu, mukambani mangu, kana munyika, zvakasvitsa kupi musha, kambani kana nyika. Nyaya yese iri kunongedzera kune vanotungamira misha.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *