O-LEVEL: Zviperengo zvakanaka

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora zviperengo zvakanaka. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi. Vana vechikoro chete kubva paFomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number dzako neadhiresi yekwaunogara.

Tumira mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email [email protected] Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi anopihwa mubairo webhuku rekuverenga.

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora zviperengo zvakanaka. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi. Vana vechikoro chete kubva paFomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number dzako neadhiresi yekwaunogara. Tumira mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 kana email [email protected]

Anopindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka kaviri kakatevedzana pamwedzi anopihwa mubairo webhuku rekuverenga.

Zviperengo:
Mutambo wokuzadzisa mavara anenge asara uri pazasi unokubatsira kupfumisa ruzivo rwemashoko ari mumutauro weChiShona pamwe chete nezviperengo. Zvinoda kuti utange wafunga mhinduro uchishandisa chirevo chinenge chapihwa.

Semuenzaniso:(a) Nzvimbo inochengeterwa huni.b  a k w a

(b) Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika.n  y a c h i d e
Basa rokuita:Zadzisa pakashama:
1. Mukadzi wenhaka.c _i_ad_a_p_i_w_
2. Nyanzvi yekugadzira zvinhu nesimbi. m_iz_ _
3. Munhu anoita basa rokubatsira vakadzi pakuzvara.n_a_u_u_a
4. Ndima inosara isina kurimwa pakati pedzarimwa.c _i_a_a
5. Chipo chemombe chinopiwa amai vomudzimai nomukwasha.b _k_r_
6. Mhuka hadzi isingabereki.t_o_e
7. Murume asingabereki.n _om_a
8. Tinorima nzungu nenyimo.m_t_e_
9. Mwanakomana wamambo wekutanga kuzvarwa mumhuri.n _v_n_i
10. Kamunwe kadikik _s_y_n_a

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira tinodziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.

Ino ndiyo mibvunzo yekupedzisira mumwedzi uno. Tichadoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku svondo kubva pane vaitumira mhinduro dzakanyanya kunaka kubva mwedzi waNdira uchitanga.

Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe mumwedzi waKukadzi usasaririre shure semuswe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *