Rodriguez odzika midzi kuMunich

JAMES Rodriguez (27) acharamba ari kuBayern Munich kusvika mwaka wegore rino wapera uye haasi kuzoenda kuArsenal kana, kuNapoli mwedzi uno.

Chizvarwa chekuColombia ichi, chiri kuBayern kwemwaka miviri nechikwereti kubva kuReal Madrid uye haasi kunyatsotamba sezvaangade achirairidzwa naNiko Kovac mwaka uno.

Akatadza kutamba mitambo mitanhatu yeBundesliga nemiviri yeChampions League mushure mekunge akuvara gumbo rake munaMbudzi ndokuzodzoka svondo radarika apo vakakunda Hoffenheim.

Mamiriro ezvinhu aya ndiwo akaita kuti pabude mashoko ekuti anogona kuenda kuArsenal kana kuti kuNapoli mwedzi uno kuti atambe kakawanda.

Asi, sekutaura kweESPN FC, Rodriguez acharamba ari kuBayern kusvika kondirakiti yake yapera panopera mwaka uno uye anogona kuramba ariko mwaka unotevera.

Zvimwe zviri mukondirakiti iyi zvakawiriranwa mugore ra2017, zvinotaura kuti Bayern inofanirwa kutenga mutambi uyu yobhadhara mari inosvika 37 miriyoni paunzi.

Rodriguez akwanisa kunwisa katatu nekubatsira vamwe vatambi kunwisa kaviri mumitambo 12 yaatambira chikwata cheBavaria ichi mwaka uno.

Anoshanda zvakanaka nemurairidzi weNapoli Carlo Ancelotti uyo waakashanda naye kuReal Madrid neBayern, asi hazvizivikanwe kuti vaviri ava vachasanganiswa zvakare here. – SportsMail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *